VaMugabe votenga mavhoti mumaruwa

Mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe avo vachamirira musangano uyu pasarudzo vasimudzira chirongwa chekugadzirira sarudzo nokupa vanhu vokumaruva vanosvika 560 000 mbeu.

Robert Mugabe
Robert Mugabe

Varimukati memusangano weZanu (PF) vanoti chirongwa chekupa vanhu mbeu chinoratidza kuti kuchava nebatawabata musarudzo idzo dzichaona vaMugabe vachimisidzana zvakare nemukuru wemakurukota ehurumende vaMorgan Tsvangirai vachamirira musangano weMDC-T musarudzo.

MDC-T ndiro bato guru richamisidzana neZanu (PF) pasarudzo dzingangoitwa gore rino kana kutanga kwegore rinouya.

VaMugabe vane makore 87 vanosvitsa makore 88 musi wa21 Kukadzi gore rino.

Utano hwavaMugabe hwavapatambo havasi kugara pasi vachienda mhiri kwemakungwa kunoona nyanzvi dzezveutano dzepamusorosoro kunyika dzekumabuda zuva.

“Vanhu vanosvika 1 552 640 vanorima padiki vakapihwa mbeu muchirogwa chaisanganisira hurumende nemapato anopa vanhu rubatsiro (560 000 vakapihwa pachirongwa chemutungamiri wenyika, 443 640 kubva kuchirongwa chehurumende, 550 000 vakawana rubatsiro kubva kumabazi anopa rubatsiro kuvanhu.

Zvinonzi izvo vanhu vano svika 1,6 million vangangoshaya chikafu mushure memukunge hurumende yeZanu (PF) yasvoropodza mabasa evanhu vanobatsira vachidzi varikupindira munezvematongerwo enyika. Mubepa ratinaro zvinodzi vadzidzi 1,75 million kubva mu 3,27 million nevarairidzi 49 890 kubva mu 101 402 vakabatsirwa muchirogwa chekuwanisa vanhu kugara kwakanaka.

Bepa iri rinoti kupararira kwezvirwere munyika kungangoita kuti vaMugabe vakurirwe musarudzo dzavari kuchemere.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *