Chikamu chekurima chichiri pasi

Mukuru weZimbabwe Farmers Union vaPaul Zakariya vanoti Zimbabwe haisati wanyatsa kubuda mumatambudziko panezvekurima zvichibva mukusawanikwa kwemari inoenda mukurima.

Patsvakiridzo dzakaitwa nechikamu chinoona nezvekurima cheAgritex pakati paMbudzi naZvita wegore radarika pakarimwe mahekita 379 993 zvichiedzaniswa nemahekita 270 000 akarimwa gore rino echibage. Ukuyo mahekita edonje akarimwa ainge ari 45 000 achiedzaniswa ne107 727 mumwaka wekurima wegore rapera. Kurimwa kwefodya kwakadzika kubva pa39 393 kubva pama hekita 43 545 mumwaka wadarika.

Ukuyo soya bhinzi dzakarimwa mahekita 5 079 mwaka uno kubva13 674 gore rapfuura nokuda kwekutadza kuronga nenguva kubva kuvakuru vangave nechekuita nezvekurima munyika. VaZakariya vakati izvo donje rinosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana rakaparara nokuda kokushaikwa kwemvura mumwaka uno.Izvi zvakaisa mudondo tarisiro yenyika yekukohwa matani anosvika 286 000 mwaka uno.

“Parizvino donje zhinji rakaparadzwa. Tinoziva kuti vanobatsira pakurima donje havana mari yekuwana nayo zvimwe zvokurimisa zvakare. Chokwadi tichaona kudonha kwegoho gore rino,” vakadaro vaZakariya.

VaZakariya vakati nekuda kwekushomeka kwemari kunezvekurima, zvirimwa paeka zvicharamba zvichidonha, uye izvi zvichizokonzera kuti goho rishomeke uye pasava nemari inowanikwa mukurima.

“Nokuda kwekuti hapana mari yakakwana munezvekurima nezvimwe zvibingiridzo, kuendeka kwekurima kwasunama, nokuda kweizvi hatisi kuzowana kukwirira mune goho sezvakatarisirwa.”

Panodiwa mari inosvika $US2 billion kuisa kuchikamu chezvekurima gore ne gore. Asi hurumende yakangokwanisa kuisa $US226 million.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *