VaMutodi vanonzi vanerutsigiro rwavaEmerson Munangagwa’s avo vanotungamirira chibato muZanu PF chinoda kuzotonga kana vaRobert Mugabe vabva.
Zvinodzi vaMutodi varikuenda kuzvikoro vachipa mabhuku nezvimwe zvekuvakisa kuitira kuti vawane rutsigiro.
Asi maiNyamupinginga avo vanove zvakare sachigaro webato rezvevakadzi muparamende havasi kutya. “Ngaauye zvake. Handimuone somunhu anotyisa asi kuti vanhu ndivo vanosarudza wavanoda,” vakadaro maiNyamupinga.


