Vakadzi musavhundutsirwa: Majome

Chimwe chinhu chakwaniswa pasi rose ndechikucherechedza kuedzaniswa kwevanhukadzi nevanhurume.

Muzvare Jessie Majome
Muzvare Jessie Majome

Kwese kwese vakadzi vari kusimuka vachitora zvidzvimbo izvo zvaimbodzi ndezvevanhurume zvakaita sezvekutongwa kwenyika, zvedzidzo uye zveupfumi.

Kunyangwe zvakadaro pachine musiyano mukuru pakati pamashandiro avanhurume navanhukadzi. Asi zvakakosha kusimudza kugona kwavamwe vakadzi. Nezvizvi tinocherechedza muzvare Jessie Majome semuedzaniso wemukadzi akabudirira.

Zvinhu zvakaitwa nemuzvare Majome zvakatiwande. Mumiriri weMDC-T MuHarare West uyezve ariMuteedzeri wegurukota rinomirira vanhukadzi nebudiriro yenharaunda. MuzvareMajome ndivo vakava gweta rokutanga richidzimai kusarudzwa kupinda muparamende. Hazvi netse kuona kuti sei muzvareMajome vakasimuka zvakadai.

MuzvareMajome vane makore makumi mana nerimwe chete nevana vaviri. Vakaberekwa muHarare vakadzidza ugweta pachikoro cheUnivhesiti weZimbabwe, vakazovhura kamba yavo yezvugweta inonzi Jessie Majome, Gonese & Co.

Vakaisa nguva yavo yakawanda kurwira kodzero dzeveruzhinji dzevatsigiri veMDC avo vaioneswa tsavatsava nebato reZanu PF, kubva musarudzo dzemutungamiri wenyika dza2000 kuMatebeleland North.

Vakasokumbirwa kuti vamirire vanhu muna 2003.

“Kubvira ndichi mwana mudiki ndaitaurisa nezvekodzero dzevanhu. Ndakarwisa rusarura ganda kuchikoro chevana chidiki mumakore emuna1980, ndakarwira vanhukadzi ndavakudanho repamusoro uyekuunivhesiti. Ndakashanda zvekare kubato rinomirira kodzero dzavadzidzi ndiri muchikamu chezvemitemo, takarwisa kudzvanyirirwa kwavasikana paunivhesiti,” vakadaro muzvareMajome.

Muna 1999 pakamboedzwa kunyorwa bumbiro remutemo muzvareMajome vakava mukadzi mudikidiki kuvakomishina.

Asi muzvareMajome avo vanoimba kukereke, vachitamba mutambo wechesi uyezve vachidzidza karate panguva yavo yavanenge vasina zvokuita, vanoti vakatorwa zvikuru kuti vasvike pavari nhasi.

“Somunhukadzi ndakasangana nekusvoropodzwa kwakawanda, dzimwe nguva hapana munhu aindi remekedza. Asi ndakakunda nekuti handina kuteerera vanhu, asiwo ndakaronga zvinhu zvangu . Ndakava mukadzi wekutanga akaita zvemitemo kupinda muparamende. Ndine makore makumi matatu nerimwe chete ndakasarudzwa kuitameya. Ndakakomekedza bato rangu kuti riise zvigaro zvavanhukadzi muna 2008.”

MuzvareMajome vakashanda kuitira kuti kufa kwevasungwa mumajere kudzikire, uko kwainyanyo kodzerwa nekushaikwa kwechikafu. Vakaisa bato raiongorara nezvehuori kumatare emhosva.

MuzvareMajome vakazotungamirira chikamu chaibatsira kuti vanhukadzi nevana vawanekodzero dzavo.

MuzvareMajome vaneshungu yekuti vanhukadzi vese vawane mukana wedzidzo sezvavakaita, nekuda kwekudaro varikusimudzira nzvimbo dzedzidzo muHarare West nedzeutano.

Vakaona zvekare kuti zvibhorani zvaiswa pachipatara cheMarlborough vakazoona zvekare kuti zvikoro zvenharaunda iyi zvinosanganisira zvevasingadzwi zvawana magetsi nekudzidza kwemanheru kuitira kubatsira vanhukadzi vaya vasina kupedza chikoro.

MuzvareMajome vakakurudzira vanhukadzi kuti vapinde munezvematongerwo enyika, vachiti vanhukadzi havafanirwe kutyiswa nekudakwekuti varume ndivo vakawandisa munezvekutongwa kwenyika.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *