Vanhu voendesa mapurisa kumatare

Makumi nemakumi evanhu vakaendesa mapurisa kumatare edzimhosva nekuda kwekurohwa, kusungwa zvisiri pamutemo uyekurohwa vakasungwa. Vanotaura vakamirira magweta anorwira konzero dzevanhu vaKumbirai Mafunda vakati nyaya zhinji dziri kutora nguva kuti dzitongwe.

“Zvinofanira kutora mwedzi miviri kuti mhaka dzidzwikwe asi hazvisirizvo zvirikuitika. Izvi zvinoratidza kuti pane pasiri kufamba zvakanaka,” vakadaro.

Svondo rapera iro rimwe sangano rinomira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Forum rakati izvo mapurisa, masoja navatsigiri veZanu PF ndivo varikunyanya kuvhuna kodzero dzavanhu.

“Vatsigiri veZanu PF ndivo vari pamberi panyaya dzekutyora kodzero dzevanhu vachiteerwa nemapurisa pachizouya masoja.

VaMafunda vakati kuiswa kwamapurisa kumatare edzimhosva kunoratidza kuti vanhu havachina chivimbo nemapurisa. Nyaya dzevanhu varikuendesa hurumende kumatare edzimhosva anosanganisira ava Jameson Timba gurukota guru muhofisi mavaMorgan Tsvangirai avo varikuda kuti varipwe nemukuru wemapurisa vaAugustine Chihuri.

VaTemba Mliswa, nevamwe vanhu vashanu varikuda kuripwa $500 000 navaChihuri zvakare.

Guta reHarare ririkudawo kutora matanho ekuendesa mapurisa kumatare.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *