Varairidzi vaona pfumvu nemhirizhonga

Mumakore gumi apfuura varairidzi vanosvika hafu wevarimunyika vakasangana nemhirizhonga wezve matongerwo enyika.

Pane gwaro rakabuditswa nevanomirira vadzidzisi reProgressive Teachers of Union Zimbabwe kubva muna Kubvumbi kusvika muna Chikumi wegore radarika vadzidzisi munyika kunyanya vekumuruva vaona pfubvu nezvematongerwo enyika kubva muna 2000.

Gwaro iri rino ratidza kuita kwevakarwa rusununguko , vechidiki vanotsigire sangano reZanu (PF) rinotungamirirwa navaRobert Mugabe, uye masoja nemapurisa avo vanorwisa vadzidzisi pasarudzo yega yega.

“Varairidzi vakawanda vanoti vakabatirirwa kodzero dzavo mumakore adarika.

Vazhinji vaiti vakamanikidzwa kuenda kumisangano, vamwe vaiti vairohwa nekutorerwa mari uye kurambidwza kuvhota vachidzingwa pavaigara.”

Gwaro iri rinoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kurambidza mapato ezve matongerwo enyika kuita zvenyika pazvikoro. Varairidzi vazhinji vakati izvo kana mhirizhonga yakauya zvekare vanotiza pavanoshandira vachienda kudhorobha.

Vanotaura vakamirira Zanu (PF) vaRUgare Gumbo havana kubatika. Asi sanganano rinomirirwa navaMugabe rinoramba kuti rinokonzera mhirizhonga.

Gwaro iri rinotsanangura kurohwa kwakaitwa varairidzi pazvikoro zveMuzinda ne Machiva kuZaka muna Chikumi 2008 nekuti vaidzi vanotsigira MDC-T.

Gwaro iri rinoti panofanirwa kuiswa chikamu chinomirira kodzero dzevanhu chinozobatsira kuzivisa varairidzi nezvemhirizhonga vasati vasangana nayo.

Vaongorori vanoti mhirizhonga yakaitika kuZaka mazuva apera inoratidza kuti mhirizhonga ichaveko pasarudzo dzode kuuya kunyangwe hazvo pakava nebumbiro remitemo idzva.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *