Hurumende youmba mapato ekupa ruzhinji chikafu

Hurumende yakaisa matanho mumaruwa anoita kuti pasava nehuori pakugoverwa kwevanhu chikafu kumaruva kuitira kuti vanhu vasafa nenzara gurukota rezvemari vaTendai Biti vakadaro.

“Chinangwa chedu sehurumende ndechekuti pasava nekushandisa zvematongerwo enyika kana vanhu vachipwa chikafu. Tine bazi rinotungami- rirwa navaMade (gurukota rinoona nezvekurima) rikuongorora nyaya iyi.

Sangono iri rinosanganisira makurukota ehurumende anoti vaIgnatius Chombo, vaTapiwa Mashakada, vaElton Mangoma, namuzvarePaurina Mupariwa.

VaBiti vakati izvo pachaumbwa masangano anosanganisira mapato eZanu (PF), MDC-T, neMDC-M achange achiona nezvenyaya iyi kumatunhu ese munyika.

Vachitaura nezveupfumi hwenyika vaBiti vakati panoda kutsvakwa nzira dzinoita kuti zvekurima zvibudirire zvichisanganisira kubhadhara varimi nenguva uye mari yakakwana.

“Tinoda kugadzira musika unoita kuti varimi vefodya vapihwe mari yavo nenguva,” vakadaro vaBiti.

Kunyangwe hazvo kune nzara gore rinovaBiti vakati hapana munhu achafa nenzara sezvo hurumende yakatora matanho ekupa vanhu chikafu.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *