Kanzura weMDC-T otunhaira pakushaya imba

Yaramba yangove ngozi yerombe igandanzara kuna kanzura webato reMovement for Democratic Change yavaMorgan Tsvangirai kuKadoma avo vave kutunhaira kushaya pekugara zvisinei kuti vane mari yekubhadhara. Kanzura Erasmus Jochera vemu ward 17 mudhorobha reKadoma vanoti vakadzingwa pavaigara apo muridzi wemba yavaigara akati haaigona kuti vagare apa sezvo achitsigira bato reZanu PF. VaJochera avo vakambopisirwa pavaigara mugore ra2008.

“Ndakadzingwa pamba pandaigara musarudzo dzedzokororo musi wa 22 Chikumi mugore ra2008 mushure mekunge imba iyi yadhiritswa nevatsigiri vebato reZanu PF muno mu Weaverly. Muridzi weimba aida kuti ndiripe kuparadzwa kweimba yake asi ndaive ndisina mari” vakadaro vaJochera. Pavakakawana pekugara paHouse 1322, kanzura Jochera vakamanikidzwa kutama apa nemuridzi wemba vanonzi vaTsuro vanogara kwaZvimba avo vakati havadyidzani nevatsigiri veMDC-T. Izvi zvakaitika mwedzi waKurume uye vave kugara pane vamwe vakaita tsiye nyoro vachitsvaga pekugara pakasununguka.

“VaTsuro havana kurova imbwa vakaviga mupinyi sezvo vakati havadi mutsigiri webato reMDC pamba pavo.

Chinoshungurudza ndechekuti handina kutadza kubhadhara mari yaidiwa pamiripo yavo yese. Ini sakanzura handina rusaruro kuvanhu vemunharaunda ino”

vakadaro vaJochera. VaTsuro havana kubatika panharembozha yavo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Vamwe vagari venharaunda iyi vamhura kusashanda kwesangano reJoint Monitoring Committees (Jomic) pakuyananisa kugarisana kwevanhu mukupesana kwakadai. VaJames Hamandishe vekuNgezi vakati havasati vanzwa nezveJomic munharaunda yavo. “VeJomic vanongoshandira muChinhoyi chete kwete kumadhorobha mamwe maduku. Kupesana kwepfungwa kuri kuramba kuchidyara mapiste muvanhu uye hapasi kugadziriswa nekukasira takanangana nesarudzo dzingangoitwa gore rino.” vakadaro vaHamandishe.

Hatina kuwana mhinduro kubva kune veJomic muChinhoyi zvisinei nekutumira mibvunzo yedu kwavari netsambambozha.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *