MaBishopi achaongorora sarudzo

Bazi rinosanganisa mabhishopi eRoma mudunhu reSADC rinoti richaongorora sarudzo dzese dzichaitwa mudunhu rino kusanganisira dzemuZimbabwe.

Sangano reSouthern African Catholic Bishops’ Conference, rinosanganisira nhengo dzinobva kuBotswana, South Africa, Swaziland, Angola, Lesotho, mozambique, Sao Tome and Principe, namibia neZimbabwe rakataira izvi musi weMuvhuro. Nyika dzemuAfrica zvikuru idzo dzinotungamirirwa nemapato akabva kuhondo dzinozivikanwa, nekushandisa mhirizhonga, kutyikidzira vanhu uye kurova kana sarudzo dzavakuitwa use me shire mazvo.

Mapato aya anotsigirana panyaya dzekuramba ripazvigaro kunyangwe hazvo kana achinge akundikana pasarudzo.

SACBC yakati izvo nekuda kwekuti pane nyika dzirikuda kuenda kusarudzo gore rino pane zviratidzo zvekiti pachaitika mhirizhonga, bvongamupopoto, kurohwa kwevanhu uye kutyiswa kwezvizvarwa zvenyika dzeSadc.

“Tinoti kunyika dzirikuda kuita sarudzo ngavaise matanho anounza runyararo, uye saridzo yacho ive pachena,” vakadaro Bishop veku Francistown.

“Takaona matinogara kuti mhirizhonga nekutya zvinoshu- ngurudza vanhu mukurarama. Zvichiita kuti pasava nebudiriro mumatunhu.”

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *