Mhan’arai kumapurisa kana ndarambidza mapepa: Mutasa

Kuburitswa kwenhau dzinobva kune vakazvimirira vanoturira kurikungoramba kurimuma-tambudziko nekuti anodhura uye anorambidzwa kune dzimwe nzvimbo munyika, akadaro murairidzi wepa University of Zimbabwe uye varimuongorori wezvematongerwo enyika, John Makumbe.

Vachitaura patsetsenuro yepfungwa yezvegwara reMDC-T iri padonzvo rinonzi ‘‘Matongerwo enyika ave pedyo nerufu’’, vaMakumbe vakati kuburitswa kwemashoko enhepfenyuro ane kudzvanyirirwa zvakanyanya.

“Didymus Mutasa akakuwana wakabata Daily News kwaRusape ziva kuti wafa”.

“Ane mapapato emhirizhonga ake anoona kuti bepa iri nemamwe akazvimirira haasvike saka Zimbabwe icharamba iri murima maererano nezvikirikuitika munyika,” akadaro Makumbe.

Akati nhepfenyuro dzichingori mumaoko evarikudivi reZanu (PF).

“ Vanhu ivava vanofanira kungoti nhau dzavo dzinzi dze Zanu (PF) nekuti hapana zviripo uye ini handibhadhare mutero wenhepfenyuro kuti ndinzwe matakanana akadaro,” akadaro Makumbe.

Paakavhunzwa nezvenyaya iyi, Mutasa, uyo anove munyori wezvekufambiswa kwebasa mu Zanu (PF) uye ari mukuru mune zvematongerwo enyika, akaramba mashoko avaMakumbe.

“Handina masimba ekurambidza bepa kana munhu, uyewo chii chandingaitira zvakadaro? Ukateera makuhwa akadaro idambudzikoi rako uye ini handiteerere zvisina basa zvakadaro. Ko ivo vanotaura kuti ndinorambidza mapepa vanodii kundimhan’arira kumapurisa. Handidi kutaurirwa mashoko akadaro,’’ Mutasa akaudza The Zimbabwean.

Munhau dziri kubuda Mutasa arikunzi arikurwisana nevanoburitsa mashoko vakazvimirira uye kurambidza mapepa mune nzvimboi dzakaita seRusape nevamwe vachitiwo dzimwe nzvimbo dzakaita seMutoko hadzitosvikwi nevasiri vekubato rake.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *