Ripoti ye hurukuro dze Focus Group Discussion

Agenda

• Kutakurwa kwemarara

• Title deeds

• Kuwanikwa kwemagetsi

• Kuwerengwa kwemita dzemvura nemagetsi

• Zviri muzvikoro

• Mitero yedzimba nemagetsi

• Zvirongwa zveMadzimai muHRT

1. Vaiwepo: Vagari weHighfield nehutungamiri hwavo, vaisvika 30, HRT Director Precious Shumba, Co- Founder Mrs Constance Shumba na Lobby and Advocacy Officer Pretty Chabuda

1.2.1. Zvakakurukurwa pamusangano: Pretty Utete, nhengo yekomiti akavhura ungano nemunamato, ndokuzotambira vaenzi vese vakabva ku hofisi ye Harare Residents Trust.

1.2.2. Kutakurwa kwemarara: Vagari vakataura nepamusoro pekusatakurwa kwemarara neKanzuru, izvi zvakonzera kuwanda kwenzvimbo dzirikurasirwa marara zvisiri pamutemo nyanyei mu Geneva muna 245th street mave nemarara avhara chimwe chikamu chemugwagwa. Nekuda kwemarara iwayo nzvimbo dzakapoteredza pedyo nemugwagwa uyu hadzina magetsi.

1.2.3. Kushaikwa kwemvura: Vagari vakaratidza kutsutsumwa pamusoro pekushaikwa kwemvura nguva zhinji, dzimwe dzimba dzava nemwaka unogona kudarika makore mashanu dzisina mvura nekuda kwe kuvharika kwepombi dzinofambisa mvura.

1.2.4. Magetsi: Nguva zhinji vanenge vasina magetsi, vakatsutsumwa nazvo vachiti ivo vanorarama nemabasa emaoko asi kushaikwa kwemagetsi kwavakutodzosera kumashure mabasa avo.

1.2.5. Meter reading: VaShumba vakadzidzisa vagari kuverengwa kwe mameter emvura pamwe ne magetsi izvo vagari vakatambira nemufaro mukuru vakati vainge vachingobhadhara vasina ruzivo kuti zvinofamba sei. Vachitaura pamusoro pezvirongwa zveHRT, vaShumba vakati gore rino kwaizowe nemikana yekuti vagari vatsvaire nzvimbo dzavanogara kubudikidza nema clean ups ngekuti ndiwo mamwe mabasa anofanirwa kuitwa nevagari vane hanya nenzvimbo dzavanogara. Izvi vakati imwe yenzira yekuti vagari varatidze kuti vanodawo kugara nzvimbo dzakachena, kunyangwe kanzuru ichikundikana kuita basa iri ravanotobhadharwa pamwedzi nevagari. Vakaenderera mberi vachiti vagari vanofanirwa kuziva mabasa evatungamiri vakaita saCouncillor, nhengo yeparamende MP, uye mabasa anoitwa nekanzuru anoda mari kubva kuvagari.

1.2.6. Zvikoro: Muhurukuro dzakaitwa vagari vakaburitsa pachena kuti zvirikuitwa muzvikoro hazvisi kuvafadza sezvo vana vanenge vasina kuwanirwa mari dzemaextra lessons vanonzi ngavapire gotsi mudzidzisi panguva yezvidzidzo, uyezve havabvumirwe kunyora muzvidzidzo izvozvo. Zuva Rabuda Primary ndicho chikoro chakanongedzwa kuva nevadzidzisi vanetsika dzakadaro.

1.2.7. Zvakabuda muzvidzidzo zveMadzimai: Mai Shumba vakati madzimai ndiwo musimboti weHRT, nekudaro kwaizowe nemitambo yenhabvu yevarume nevakadzi, pamwe nekupa zvidzidzo zvekubika nekusona. Zvirongwa izvi zveMadzimai imwe yenzira yakatorwa neHRT kusimbaradza huvepo hwayo munzvimbo dzinogara veruzhinji. Chimwezve ndechekuti madzimai awe nemikana yekusangana vachidzidzisana nzira dzinoumba mhuri. Varume vaive pamusangano vakati vaikumbira kuti pazvirongwa zveMadzimai pawedzerwe, kudzidzisa madzimai utsanana mudzimba kwete zvekubika chete.

2. Mibvunzo Yevagari:

2.1.1. Sei kanzuru isingadzikisi mari yezvikwereti kana vanhu vachinge vabhadhara imwe mari pakupera kwemwedzi?

2.1.2. Ko mari dzatinobhadhara dzemarara dzinoshandei ngekuti marara haasiri kutakurwa?

2.1.3. Ko dzimba dzinogara makore mangani dziri pa rent-to-buy nekuti vamwe vagari vagara mudzimba idzi kubva mugore ra 1962 asi kusvika nanhasi havana ma title deeds vachiri pa rent-to-buy?

2.1.4. Vagari vanowana sei ma title deeds?

2.1.5. Tinokumbirawo HRT itaure nekanzuru kuti ibvise interest pamitero yedzimba ndiko kuti vagari vagone kupedza zvikwereti zvisinga bereki imwe mari?

3. Zvingaitwe

3.1.1. Vagari vakati Kanzuru inofanirwa kugadzira dzimwe nzvimbo dziri pamutemo dzekurasira marara sezvo dzimba zhinji dzisina mabindu ekugadzira macompost.

3.1.2. Vagari vakati vaida havo kubvisa marara arimumugwagwa unonzi 245th street senzira yekuratdza kuti vanoda kuti nzvimbo yavo igare yakashambidzika uyezve kuti vagone kuisirwa magetsi munzvimbo yavo.

4. KUPEDZISA: Sachigaro weKomiti Mai Shamiso Ndoro wakavhara musangano nemunamato nenguva dza4.30pm

5. Kwekutiona: Kuti mutipe pfungwa dzenyu pamusoro pehurukuro idzi tifonereiwo pa nhare dza Sachigaro Shamiso Ndoro dzinoti 0734 547 381, mukuru weHRT VaPrecious Shumba panhare dzinoti 0772869294 or HRT Lobby and Advocacy Officer Pretty Chabuda 0772771860 or email us on info@hrt.org.zw/ hretrust79@gmail.com or visit our website on www.hrt.org.zw

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *