“Ndaona zvakakodzera kuti ndisiye basa kuGMB kwacho ndoita zvekurima uye kusimudzi- ra musangano wangu weZanu PF musarudzo dzinotevera.
Handaiona zvakakodzera kuenda kuMash Central panguva ino” vakadaro vaMafa. Kambani yeGMB yakatanga kutamisa vakuru vakuru vemadhepoti pakuda kudzikisa huori hwakadzika midzi munguva yekupirwa mbeu nemipfudze apo paiitwa chizivano. VaMafa vaive Operations Manager vakataurira vatori venhau svondo rapfuura kuti vainge vasingadi kututa twavo kuti vatame. “Ndakanyorera tsamba kumashefu kuGMB ndichiti hazviite kuti ndiri sachigaro weZanu PF ndoenda kurimwe dunhu.
Parizvino ndiri mumwe wemasachigaro eJomic. Ini handiendi ikoko kana zvakatsvuka seropa tisati tapinda musarudzo” vaMafa vakadaro kuvatori venhau. VaMafa vati pagara paine mapitse mubato reZanu PF kudunhu iro uye kutama kwavo kwaivhura gwanza rekuti vari kuvaita zimhunzwa mundove vaizorovera pasi vakabviswa pahusachigaro uhu.