Vadzidzisi voda mitemo inochengetedza zvikoro

Gwaro richangoburitswa neProgressive Teachers Union of Zimbabwe ririkukurudzira kuiswa kwemitemo inorambidza kushandiswa kwezvikoro pazviitiko zvematongerwo enyika, kunyanya panguva yesarudzo.

Gwaro racho, rakaburitswa mwedzi uno, uye rakanzi ‘Political violence and intimidation against teachers in Zimbabwe’, rakagadzirirwa PTUZ neResearch and Advocacy Unit.

Kubva pakavambwa bato reMDC muna 1999, kwakaita sarudzoi kashanu nemamwe masarudzo ese aive nemhirizho-nga yakanyanyonangana nevemapato anopikisa.

Vadzidzisi, kunyanya vekumaruwa, vainangwa neZanu (PF), iyo yaiedza kusimudzira rutsigiro rwayo rwaidzikira.

Varairidzi vainzi vaikwanisa kuzoita kuti vanhu vemunzvimbo dzavo dzovhitere MDC.

Mhirizhonga iyi, yaisangani-sira kushungurudzwa, kurohwa, kubirwa zvinhu, kubatwa chibaro, kutyisidzirwa uye kutsakatitswa, yakakanganisa zvikuru dzidzo yemuno sezvo varairidzi vazhinji vakazotia zvakaita kuti pave nekushomeka kwevadzidzisi.

“ Mhirizhonga zhinji yacho yaiitika pamberi pevana vechikoro izvo zvinokanganisa nekuti vana vanozokura vachii-tawo izvozvo.” Rinodaro gwaro racho.

Gwaro iri rinoti zvakare pane mabase ekushungurudzira vanhu muzvikoro pamatunhu 46 emuZimbabwe RAU yakataura nevarairidzi 1,200 vaitorwa muzvikoro zvakasiyana mumatunhu ese emuZimbabwe.

Pane vakataurwa navo, 122 vaiti vaiziva vakuru vemabaase aya nemazita. “chatakaongorora chakakosha ndechekuti mabase aya aitunga-mirirwa nevamwe vari muchiuto.

PTUZ yakakurudzira bazi re Joint Monitoring and Implementation

Committee, a body kuti riongorore nyaya dzese dzamhirizhonga yakananga vadzidzisi nemuzvikoro.

JOMIC inonzi haina samba rekuita kuti zvisungo zve GPA zviteedzerwe apo mhirizhonga inoenderera mberi.

Kuporeswa kwevakaitirwa mhirizhonga hakusati kwanyatsoitwa apo vaiita mhirzhonga iyi havsati vabatwa.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *