Vakadzi nevechidiki vanosaririra panezvematongerwo enyika

Vakadzi varikuda kuzopinda munezvematongerwo enyika vanoti pane mhingamupingo dziripo idzo dzinovatadzisa kupinda munezvematongerwo enyika. Vachitaura nepepa nhau reThe Zimbabwean, mukuru wesangano reYouths in Politics vaNkolisathi Moyo vakati izvo vakadzi varikumashure nekuda kwezvinoitika munyika muno kunyanya pasarudzo.

“Vakadzi vanochema chema nenyaya yekuti matongerwo enyika nhasi anovasiya apo panoitwa sarudzo,” vakadaro muzvareMoyo. Sangano reZOYP rakaita musangano kuKwekwe richiedza kutambira matambudziko anosangana nevanhukadzi vanoda kupinda munezvemato- ngerwo enyika.

“Vechidiki vanoti varikuiswa kumashure nekuti zvinodzi havana ruzivo. Takadzwa kuti vechidiki vanongotaurwa navo kana pachitsvangwa vote,”vakadaro muzvareMoyo.

Muzvare Lorraine Sibanda anova nengo yeZOYP akati izvo varume ndivo vachakaewanda munezvematongerwo enyika.

“Patsvakiridzo yatakaita kune vanhukadzi vazhinji vanoda kuita zvematongerwo enyika, saka zvinofanirwa kuzadziswa kuti pave nevanhu vanoenderana kana sarudzo dzozoitwa.

Vanhukadzi muZimbabwe vachiri pasi pasi pasi mukuwa- nda munezvematongerwo enyika. Kunyangwe hazvo mapato akasiyana siyana achiti izvo achakwidziridza vakadzi izvi zvichigere kuzadziswa.

Zvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti vanhukadzi vasaita nezvematongerwo enyika zvinosanganisira, nyaya yemhirizhonga netsika dzevatema, “Dambudziko ratinaro nderekuti vanhukadzi kunyanya vechidiki vapinde munezvematongerwo enyika. Tinofanhirwa kubudisa kuti zvematongerwo enyika hazviitwe nevakadzi vasina kuzvibata. Vakadzi havapihwe mukana wekuti vataure saka yava nguva yekuti vechidiki vasimuke varwire konzero dzavo

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *