VaKunonga vanosvora vaTsvangirai

Mupambi wechechi yeAnglican muZimbabwe, vaNolbert Kunonga vakatsoropodza mutungamiriri weMDC-T, vaMorgan Tsvangirai, vachivati mutengesi asingafanirwe kusiiwa achitonga Zimbabwe.

VaKunonga vakati izvo vaMugabe munhu mutsvene asi vakatsvoropodza vaTsvangirai vachiti munhu wasatani.

VaKunonga vakataura izvi pachikoro cheDimbe kwaSvosve.

“Bato reMDC-T ndere vate- ngesi, ndere vanhu vanoda kudzosera minda kuvachena. VaTsvangirai havadi kuti Upfumi huiswe kuvatema.

VaTsvangirai vanofanirwa kuraswa muchimbudzi,” vakadaro vaKunonga.

Vanguard vaivapo vakakatya- madzwa kunzwa mutungamiriri we check achiudza vanguard kuti varambe vachibvuta nechisimba minda iyo ichiri mumaoko evachena.

“Muri vana vevhu hamufani- rwe kutya kutora minda yenyu. Vachena havana chavo munyika. VaTsvangirai murungu aneganda dema,” vakadaro VaKunonga avo vakapamba mapurazi nemachechi muzita reZanu (PF). VaKunonga vakadzingwa mubato rechechi yeAnglican.

VaKunonga vakasvoropodza zvekare muporofita wekuNigeria vaT. B. Joshua.

“Kuporofita kwake ndekwehu- royi. Hapana chinoshamisira kana munhu achiti mutungamiri wenyika muAfrica achafa.

Kunyangwe hazvo mutungamiri weMalawi vaBinguWAMutharika, vakafa hazvaireva kuti chaiva chiporofita. Kutaura kuti munhu achafa, hazviitwe nemunamati,” vakadaro vaKunonga.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *