Zanu (PF) yotevera vapoteri-Passop

Sangano rinoona nezvevapoteri rePeople Against Suffering, Oppression and Poverty, (POSSOP) rinopomera sangano reZanu (PF) kuti rakatumira vanhu varikushungurudza vapoteri pamarefugee camps kuSouth Africa avo varikutsvaka mapepa ehupoteri munyika iyi.

Zvinonzi nemapato anoona nezvekodzero dzevanhu vatumwa veZanu (PF) varikutora mazita evanhu vari muSouth Africa vachitsvaga hupoteri.

Passop yakataurira pepanhau reZimbabwean kuti muongororo yavakaita vakaona kuti vanhu varikukonzeresa pamacamp vatumwa veZanu (PF), vanozivikanwa nekuti maRatsa neMagumaguma.

“Pavane nguva refu vanhu veZanu (PF), vachishungurudza vapoteri muno muSouth Africa,” mukuru wePASSOP vaBraam Hanekom vakadaro.

VaHanekom vakati izvo vanhu ava varikutorera vapoteri mari kuti varambe varipamutsetse pekutsvaka mapemiti anoita kuti vagare muSouth Africa.

“Zvinoshungurudza kuona vanhu vaibata vane veZimbabwe chibharo nekuuraya vachiti ndivo vanofanirwa kupihwa mapemiti ekugara muSouth Africa, ava ndivo vanhu vanogumisira vava kusvibisa zita reZimbabwe vachibata mabasa akashata.

‘Tinovimba kuti matanho achatorwa achachengetedza vapoteri. Mapurisa anofanirwa kupihwa simba rekuti vatevere nyaya dzakadai,” vakadaro vaHanekom.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *