Chihuri anokatyamadza vanhu pasvondo

Mukuru mukuru wemapurisa munyika VaAugustine Chihuri vakakatyamadza vatendi mushure mokushandura nguva yekunamata vachiiita musangano wezvematongerwo enyika.

Vachitaura pamberi pemapurisa nevari kudzidzira kuva mapurisa kuMorris Depot muHarare svondo rapfuura, VaChihuri vatora hunhu hwevamwe vavo vari mubato reZanu Pf, kushandura zviitiko zvisinei nematongerwo enyika kutaura nhunha dzebato ravo.

VaChihuri, avo vakabuda pachena kuti vanotsigira zvine mutsindo bato reZanu PF vakashoropodza vavanoti vapambevhu avo vavakati vari kuedza kutora nyika vachishandisa zvimbwasungata.

“Chekutanga, nyika ino ndeyevanhu veZimbabwe kwete vekunze. Ibasa renyu imi vari kudzidzira basa rechipurisa kuona kuti vanhu vemuno vagara zvakanaka murunyararo. Havafaniri kugara vari pasi pevadzvanyiriri kana kushandisirwa nzira dzakavanda dzekuvatonga,” vakadaro VaChihuri.

VaChihuri vakashora maporofita ekunze vakati vanhu ava vari kushanyira nyika ino nechikonzero chekutsvaga mukurumbira.

“Pane maporofita ari kushanyira nyika ino nezvikonzero zvekuda kuratidza simba pane maporofita emunyika muno uye kushandura mafambisiro atinoita zvinhu munyika. Maporofita aya anofanira kudzokera kunyika dzawo onotsvaga mukurumbira ikoko,” vakadaro VaChihuri.

Vachitsoropodza muporofita aita mukurumbira munyika dzese wekuNigeria anonzi TB Joshua, VaChihuri vakati “Muporofita uyu anotaura zvizhinji zvakashata pamusoro penyika yedu achiishora asi kunyika dzavo zvizhinji zviri kluitika kusanganisira kudonha kwendege uye vazhinji vari kufa zuva nezuva.”

VaChihuri vakati kuchengetedza mutemo munyika ndizvo zvinofanira kukosheswa nemapurisa uye vanofanira kuchengetedza kuzvitonga kuzere munyika.

Mukuru wemapurisa, vari zvekare mumwe wevakarwa hondo yerusununguko ndivo mumwe weavo vari mumapazi ezvekuchengetedzwa kwenyika vakati havakwanisi kuremekedza Prime Minister, VaMorgan Tsvangirai vachiti mutungamiriri asingasimudziri zvido zvevanhu uye bato reMDC ibato rinomiririra zvido zvenyika dzekuchamhembe.

Mapurisa makumi maviri nemanomwe anotarisirwa kupedza zvizere zvidzidzo zvavo svondo rino uye vamwe vavo munguva pfupi inotevera.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *