Chikafu chinokosha mamiriyoni chakarara kuGMB Norton

Rubatsiro rwechikafu chinokosha mamiriyoni gumi nemana emadhora rwakarara pamahofisi eGrain Marketing Board kuNorton, mumiririri weChina muZimbabwe uyo ave kusiya basa vaXin hun Kang vakataura.

Rubatsiro urwu, rwunonzi rwakapiwa Zimbabwe mumwedzi yekutanga kwegore. Mumiririri weChina muZimbabwe, VaKang, vanozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Chakanaka Chakanaka vaitaura pamusangano wekupa rubatsiro rwezvekushandisa mune zvemitambo pachikoro cheKubatana Primary kuEpworth. vakati chikafu ichi chaifanira kupihwa kune vanotambura.

“Rubatsiro rwatakapa Zimbabwe rwunosanganisira mupunga negorosi, rwakarara paGMB yeku Norton,” vakadaro VaKang.

Mukuru mukuru muGMB ari muHarare, uyo akataura nechikumbiro chekusaburitswa zita rake akabvuma kuti chikafu ichi chakapihwa Zimbabwe uye chiriko kuGMB Norton, asi vashandi ava havakwanisi kupa rubatsiro urwu vasati vapihwa mvumo nehurumende.

Bato reZimbabwe NGO Network for International Exchange, rinoshanda nemapato akazvimiririra kuChina rinoti pane fungidziro yekuti bato reZanu Pf riri kudzivisa kupa rubatsiro urwu kuvanhu nechikonzero chekuda kuzoshandisa chikafu ichi mukutenga mavhoti evanhu musarudzo dziri kutevera.

“Kana sarudzo dzevatungamiriri venyika dzikaitwa gore rino setarisiro iripo, Zanu PF inogona kushandisa rubatsirwo urwu kutenga mavhoti evanhu kunyanya –nyanya kumaruwa,” akadaro mumiririri webato iri akataura achikumbira kuti zita rake risaburitswe.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *