Masangano akazvimiririra otunhidza MDC

Bato reMDC-T raMorgan Tsvangirai nemapoka anounza pundutso akazvimiririra vanoti kurudziro yeSouthern African Development Community pamusangano uchangopera yekuti sarudzo dziitwe pane iyo nguva nyika inenge yagadzirira zvinofadzwa kwazvo.

Pamusangano uyo wakaitirwa kuAngola, Sadc yakati mapato ezvematongerwo enyika anofanirwa kuona kuti bumbiro idzva remitemo ragadziriswa uye vanhu vavhota nezvaro kubudikidzwa nebvumirano yemuna 2008 yekutsvaga kudzikamisa matongerwa enyika.

MDC-T yakaburitsa chinyorwa neChipiri, ichiti: ‘’MDC inofara nezvakaitwa neSadc zvekuti mapato awirirane pane zvekugadzirira sarudzo itsva dzakasununguka.’’

‘’MDC inotunhidza Sadc nekuramba kwayo kuti Zanu (PF) imanikidzire sarudzo dzenyika gore rino uye izvi zvinoratidza kuti Sadc iri kuita basa rayo nemazvo,’’ yakadaro MDC.

Yakatiwozve yaitarisira kuti sarudzo dzichaitwa muna July kana kuti September gore rinotevera.

MDC yakati zvaifadza chose kuti Sadc yakaita izvi mushure mekunge anoremekedzwa we UN anomiririra kodzero dzevanhu, Navi Pillay, ataura kuti gadziriro yesarudzo inofanirwa kunge yakakwana.

Musangano uyu wakatizve:’’MDC inovimba namumiririri weSadc munyaya dzeZimbabwe ((vaJacob Zuma) neunyanzvi hwavo pakutibatsira kugadziririra sarudzo dzakaringana.’’

MDC yakakurudzira dzimwe nyika kuti dziite zviri kuitwa neSadc.

Dumisani Nkomo, mukuru we HABAKKUK Trust, akati zvakaitwa kuSadc zvinofadza mhuri yeZimbabwe.

‘’Zvaingove pachena kuti Sadc yaizorambidza sarudzo pasina kugadzirira.

Kunyange zvazvo President Robert Mugabe nebato ravo reZanu (PF) vaitaura kuti vanoda sarudzo gore rino, zvaingove zvekuwawata,’’ akadaro Nkomo.

Vamwewo vemapato akazvimiririra achibetsera vanhu kuBulawayo anosanganisira ve Matabeleland Constitutional Reform Agenda ne Ibhetshu likazulu vakafarawo nezvakaitwa neSadc, vachiti ndizvo zvaidiwa nevanhu.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *