Mhuri yoshandisa chimbuzi seimba yekugara

Muporofita wemapipi, Peter Moyo ari kugara muchimbuzi chave nemakore chisingashandiswe pamugodhi weSheckleton,kuChinhoyi, pamwe chete nemhuri yake nechikonzero chekuti vanhu vemudunhu make havasi kuda kumupa imba yekugara vachiti haakodzeri kuva pakati pavo sezvo ane mwana ane pfari.

Moyo ane makore makumi mana nemaviri, achibva kwaMutoko uye ari mumwe wemapositori eNguwo Tsvuku anoti ave nemakore ane chitsama achigara munzvimbo yeSheckleton. Anoti akashandura chimbuzi chaari kugara ichi kuva imba yekunamatira nekushandira vateveri vake.

Vagari venzvimbo iyi vanoti Moyo, anoratidza kugadzikana uye kudekara pachimbuzi paanogara apa, pakapedzisira kushandiswa makore gumi apfuura.

Moyo akati “Vamwe varwere vangu vanorara pano uye ndinovapa zvekudya ipo pano. Vashandi vekanzuru yeChinhoyi vakambosvika pano vachinditaurira kuti ndibve pachimbuzi chino asi ndakavataurira kuti handina kwekuenda uye handina mari yekuterera pekugara. Ndine vateveri vakawanda.”

Kunze kwevateveri vake vakawanda, vazhinji vanouya kuzobatsirwa mune zvemweya, Moyo ari kunetsekana nekurapa mwanakomana wake ane makore gumi ekuberekwa uyo ane chirwere chepfari.

Mudzimai waMoyo, Immaculate Makombende ane makore makumi matatu nemashanu ekuberekwa akataurira mutori wenhau weZimbabwean kuti mhuri yavo inogara muchimbuzi nemhaka yenhamo uye havakoshesi zvinotaurwa nevanhu vemunharaunda iyi. Anoti vasati vatanga kugara muchimbuzi ichi, vakageza chimbuzi ichi nemishonga yekuuraya hutachiona hungafungidzirwa kuti hwaivemo ndokupenda chimbuzi ichi kuti chinake nekutaridzika.

Vachitaura vakamiririra kanzuru yeChinhoyi, VaBen Rabi vanoti havasi kufara nechiitiko ichi uye muporofita uyu anga asingafaniri kugara panzvimbo iyi.

“Paakatanga kugara muchimbuzi ichi, Moyo haana kuzivisa vakuru vekanzuru. Anofanira kuuya kwatiri timubatsire kwete zvaari kuita izvi,” vakadaro VaRabi.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *