Muchinguri unoti Chipangano yoshandiswa nemapato ose

Oppah Muchinguri, mukuru mukuru mubato reZanu (PF) uyezve achitungamira madzimai imomo akabvuma kuti musangano wake urikashandisa chikwata chemhirizhonga cheChipangano chekuMbare, asi akatizve mamwe mapato ematongerwo enyika ari kuchitumira kunoita mabasa akashata.

Machingura
Machingura

Chipangano yave kutyiwa nevanhu kubudikidza nemabasa ayo ekushandisa chisimba ku shungurudza avo vano tsigira mapato asiri Zanu (PF).

Muchinguri, uyo anovezve nhengo yeJomic inofanirwa kuona nezvekufambiswa kwebasa rekudzora nyika munzira yakanaka yematongerwo, akataura izvi pakukokorodzwa kwevatori venhau nemuvhuro muHarare.

“Ndakataura neimwe nhengo yeMDC iyo yakandiudza kuti vanhu vekubato rake vainge vachishandisawo Chipangano. Izvi zviri kuitwa nemapato ese uye Chipangano ndeyemamonya anongokumbirwa nevanoda,’’ akadaro Muchinguri.

Muchinguri akazoti hake vanhu veChipangano vanofanirwa kusungwa.

“Zvinotirwadzwa zvirikuitwa neChipangano uye nhengo dzayo dzinofanirwa kusungwa. Mutemo unofanirwa kutevedzwa. Isu kuZanu (PF) ndizvo zvatakabvumirana,” akawedzera Muchinguri.

Akati vanhu vanofanirwa kubatana pakurwisa Chipangano.

Chipangano inopomerwa mhosva yekurova vanhu nekuvatorera mari yavo pamisika yekuMbare.

Inonzi irikumisa motokari pamigwagwa zvisina kodzero nekurova vatsigiri veMDC.

Tabitha Khumalo we MDC-T arizve nhengo yeJomic akati zvaisuwisa kuti mukuru wesangano rechidiki reMDC-T, Solomon Madzore, nevamwe vake vakange vasungirwa nyaya yekuponda mupurisa paneimwe mhirizhonga asi veChipangano vachingosiiwa vakadaro.

‘Hatitambire nyaya yekuti vanhu vedu vakapedza gore varimutirongo vachivatsvagirwa mhosva,’ akadaro Khumalo.

Frank Chamunorwa webato reMDC-M akati vanhu vasina mhosva vanofanirwa kudzivirirwa kubva kumabasa eChipangano.

‘‘Hatifare nenyaya yekuti Chipangano iri kubira vanhu vanoshupika mari yavo. Izvi zvinoratidza huyipi hwakanyanya webato iri,’’ akadaro Chamunorwa.

Chipangano irikurambidza kuvakwa kwepanotorerwa mafuta emotokari nepekudyira izvo zviri kuvakwa nemari inosvika $1.2 million pedyo nekamba yemapurisa yeMatapi muMbare.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *