Oramba kugariswa patsva achida dzimba dzakawanda

Philemon Kaiboni anobva kwaMutare, ari wesangano remapositori eJohane Marange, ari kuramba kunogara ku Arda Transau nechikonzero chekuti imba yaakapihwa haienderani nedzimba dzaaive avakira vakadzi vake gumi nevashanu nevana vacho.

Vanhu vanosvika chiuru vaive vagere munzvimbo yakawanikwa ngoda kuChiadzwa, vakanogariswa patsva kuARDA Transau kwaOdzi, munzvimbo yehurumumende kuitira kupa makambani anochera ngoda nzvimbo yekuita basa.

Kaiboni anoti mumwe nemumwe wevakadzi vake anofanira kupiwa imba ine mapati mana ekurara, mushure mekunge kambani yeAnjin yavimbisa kumuvakira imba ine makamuri gumi nedzimba gumi dzekubikira dzakapfirirwa neuswa dzevakadzi vake.

Kaiboni ari kuramba izvi achiti”Kambani yeAnjin haina kutsvaga zvandinoda kana kundizivisa nezvehurongwa hwekundivakira imba ine makamuri gumi yemhuri yangu yese. Ndinoda kuti mumwe nemumwe wemadzimai angu avakirwe imba ine makamuri mana.”

Mukuru wedunhu reMutare VaSimon Sigauke vakabvuma kuti Kaiboni ari kukavadzana nekunogariswa patsva kunzvimbo yeARDA Transau.

Vakati”Nyaya yaKaiboni iri kuongororwa nevakuru vakuru vematunhu sezvo kuramba kwaari kuita kugariswa patsva kunogona kukonzera matambudziko sezvo asiriye ega ane barika. Pane vazhinji vane barika asi vakapihwa vakatambira imba imwechete pamhuri. Tine tarisiro yekugara naye pasi towirirana.”

Zvichakadaizvi, Kaiboni ari kurambira kuimba yake yekare, kupurazi rinochengeterwa mombe dzemukaka kuARDA, uko kwaakafanogariswa achimirira kugariswa patsva.

Kambani yeAnjin haina kuvakira Kaiboni dzimba dzeuswa gumi neina chete asi yakavakazve nezvimbuzi zvacho, uye yakavaka zhinji dzemba dzakagariswa vanhu patsva vachibva kuChiadzwa kuenda kunzvimbo yeARDA Transau.

Anjin yakavaka dzimba dzinosvika mazana mana nemakumi manomwe ane mana dzakagariswa vanhu patsva, uye kambani yeMbada yakavakawo dzimba dzinosvika zana, Marange ikavaka makumi mana neina uye kambani yeDiamond gumi nembiri.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *