Varwi verusununguko ava vakatora nechisimba purazi raive nemukurumbira mukurima reJack Hulley, vari kutema miti senzira yekuvandudza mararamiro avo mushure mekukundikana mune zvekurima nekushandisa nzvimbo iyi zvine tsarukano.
Vagari venzvimbo iyi vanoti vari kushungurudzika nemaitiro evarwi ava sezvo zviri kukuvadza nzvimbo iyi sezvo kutema miti iyi kuri kunyanyisa.
Motokari dzinenge dzakatakura huni dziri kuonekwa kazhinji mupurazi reJack Hulley dzakananga kwaMutare, kunonzi ndiko kuri kutengeserwa huni idzi.
“Zvinotirwadza kuti purazi iri ndiro raive pamusoro munyaya yezvekurima ndiro rasvika pakuparara kudai.MaChigodora umu hamuchisina miti uye mava kutosiririsa,” akadaro mugari wepurazi rakavakidzana neJack Hulley, Andrew Masiyazi.
Zvichakadaizvi, varwi vakagariswa patsva ava nevamwewo vagere munzvimbo iyi vanoti ikodzero yavo kutema miti vachiwana chouviri.
Murwi werusununguko ane mukurumbira zvekare ari mumwe wevagari vatsva ava, Caleb Mwatongera akati “Ino inzvimbo yedu uye zvese zviri mairi ndezvedu. Takarwira kuti nyika ino ive nekuzvitonga kuzere. Tiri mubasa rekutengesa huni zvekare handione chakaipa mubasa iri sezvo tiri kuda kuraramisa mhuri dzedu. Unoziva kuti hatina kukohwa zvakanaka gore rakapfuura saka tinofanira kuwana chinotiraramisa.”
Mwatongera anotengesa motokari izere nehuni nemutengo unosvika mazana
matatu nemakumi mashanu emadhora.
Vanoona nezvekuchengetedzwa kwakanaka kwenharaunda veEnvironmental
Management Agency (EMA) kudunhu iri VaKingstone Chitotombe vanoti
sangano ravo riri kuziva nezvechiitiko ichi uye vari kushanda
zvakaomarara kuona kuti vagari ava varega mabasa avo ekutema miti.
“Tiri kushanda nemamwe mapato ehurumende anosanganisira mapurisa
nemakurukota ematunhu kuedza kupedza dambudziko iri. Takaita musangano
nemapato ose kusanganisira varimi ava tichivadzidzisa kuti kutema miti
kunoparadza nharaunda uye kunokwanisa kuderedza goho ravo,” vakadaro
VaChitotombe. .
“Takavazivisa kuti kutema miti kunoita kuti nzizi dziome, ivo
vachifanira kushandisa mvura kubva munzizi idzi mukuvandudza
zvekurima. Tine tarisiro yekuti varimi vatsva ava vacharega mabasa
ekutema miti aya. Kana vakakundikana kutevera zvatakavadzidzisa,
tichavasunga nemutemo,” vakadaro VaChitotombe.
Kambani inoona nezvemagetsi munyika yeZimbabwe Electricity
Transmission and Distribution Company (ZETDC) yakaparura chirongwa
chekudzima magetsi kemaawa gumi nemasere munyika zvichitevedzera
dambudziko rekushomeka kwemagetsi kubva kuchiteshi chemagetsi
cheHwange.
Mumashoko akaburitswa neZETDC, kambani iyi inoti dambudziko
rekushomeka kwemagetsi uku riri kukonzerwa nekukundikana kutenga
magetsi kubva kune dzimwe nyika uye kutadza kugadzira magetsi anokwana
munyika kubva kuchiteshi cheHwange.
Post published in: News