Madzishe anonzi ari kuita chiokomuhomwe

Vagari venzvimbo dzeMuzokomba neMutiusinazita kumaodzanyemba kweBuhera vari kupa madzishe naanaSadunhu venzvimbo idzi mhosva dzekutambira chiokomuhomwe pachinzvimbo chekukoshesa kuchengetedzwa kwakanaka kwenharaunda.

Vachitaura pamusangano wehurukuro dzekushanduka kwezvemamiriro ekunze wakange wakarongwa nemasangano anoti Zimbabwe Women’s Bureau,

Humanitarian Information Facilitation Centre neZERO pachikoro cheMutiusinazita, vagari venzvimbo iyi vakati vazhinji vakange vabatwa vachitema miti vaive vapukunyuka mushure mekubhadhara huku nembudzi sechiokomuhomwe.

Mumwe mugari akati anonzi Chidoma akataura kuti”Mukatenderera munharaunda ino munoona huni nyoro dzinoratidza kuti dzichangobva kutemwa.”

Mumwezve mugari, Chipo Chingono akati vakuru venharaunda vanofanira kuratidza kutendeka mumafambisiro avanoita basa rekuripisa vanenge vapara mhosva.

Sadunhu weWard 27, VaMushuwa Honye Mutuwa vakapokana nemashoko aya vakati “Tinoripisa vanhu, asi chikonzero chinoita kuti vanhu varambe vachipara mhosva inyaya yekuti miripo yacho haivarwadzi. Vanhu vazhinji vanosarudza kuripa huku asi voenderera mberi nekutema miti vachiitira kuwana huni. Vamwe vakaona izvi, vanokasika kutipa mhosva yekuti tiri kuita huori.”

Mambo Muzokomba vakati nhau dzemiripo yekutyora mutemo wekutema miti inhau dzisinganzwisiswi nevazhinji. Vakati madzimambo mazhinji akaisa miripo yakaderera sechiratidzo chekuti vanhu vasapare mhosva sezvo vagari venharaunda idzi vazhinji vasingakwanisi kuripa miripo yakakura.

”Mambo haasiriye oga anoona nezvekuripisa vanenge vapara mhosva.

Mapurisa, vana Sadunhu nebazi rinoona nezvekuchengetedzwa zvakanaka kwenharaunda reEnvironmental Management Authority vane chekuita nenyaya iyi,” vakadaro Mambo.

Musangano uyu wakayanika pachena zvekare matambudziko anokonzerwa nekutema masanzu ayo anoshandiswa kuvakirira magadheni, zvoita kuti mbudzi dzishaye chekudya.

”Dambudziko riripo muvagari venzvimbo ino nderekuti hapana mafuro. Zvipfuyo zviri kurarama nekudya mashizha emiti, apo miti yacho ndiyo iri kutemwa madirativhange,” akadaro mutauri anoshandira bazi rehurumende rinoona nekurima kwakanaka munyika, Petronella Matizanadzo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *