VaJohn Makumbe vakaudza vateereri pamusangano weMDC wakanangana nekutsanangura mafambisirwo egwara remusangano.
Kubhombwa kwakaitwa mahofisi eDaily News mugore ra2001 irangaridzo kune vari mune zvekutepfenura kuti chiitiko ichi chinogona kuvawira.
“Vemapepanhau vari kuzvidzvanyirira mukutepfenura kwavari kuita nhau nekutya. Tisanetsekane nemitemo iri kudzora mashandiro avo. Taona vanhu vachisungwa, kutyisidzirwa uyezve kuuraiwa kwevatapi venhau mumakore gumi nemaviri apfuura zvichienda. Nekudaro, vatapi venhau pavanotsvaga nyaya vanodzokera shure sezvo mupfungwa dzavo mune ndangariro dzezvingangovawire, zvinoita kuti dzimwe nyaya dzife dzakadaro,” vakadaro.
VaMakumbe vakati kutya muvatapi venhau kwakonzera huori mumapato mazhinji.”Nyaya dzehuori hadzisi kutaurwa kana kuongororwa nevatapi venhau sezvo vachitya. Dzinonyangadika kana kuti mapepanhau aya anosangana nematambudziko akaipisisa,” vakadaro.
Vatapi venhau vazhinji vemunyika muno vanoti vanokoshesa hupenyu hwavo mberi kwenyaya dzavanonyora, kunyanya dzine chekuita nezvangwiti mune zvematongerwo enyika, nevakuru vakuru mune zvekuchengetedzwa kwerunyararo munyika nemapato avo. Kunyanya munhau dzavanoona kuti dzingangovapinze panyanga dzamushore, vazhinji vanoti vanosiyana nekudzitevera vachinyora nezvadzo.
Kunyangwe paine masangano anomiririra vatapi venhau ava pasina muripo munhau dzezvekuchengetedzwa kwemitemo, anenge sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, nguva zhinji, mapurisa haakoshesi zvinorehwa nemagweta aya vachivarova nekuvasunga zvisiri pamutemo.
Vanoongorora mashandiro emapepanhau vari kuratidza kunetseka nekuti kutya kwevatapi venhau ava kuri kuvhiringidza basa ravo sezvo zviri kukonzera kuti vatsvage nhau chiripo-ripotyo, zvoita kuti nedzimwe nguva vaburitse nhau dzisina mazwi anobva mumativi ose nedzimwe nguva voburitsa nhau dzemanyepo.
Post published in: News

