MDC yorwira kutongwa kwemhondi dzakaponda vanhu

Bato remutungamiriri wenyika VaMorgan Tsvangirai reMDC harisati razorora muongororo dzaro nekuona kuti vose vakava nechekuita mumhirizhonga dzakavepo musarudzo dzemutungamiriri wenyika muna 2008, vatongwa, bepanhau reZimbabwean razivisa.

Vachitaura nemutapi wenhau wepepanhau rino musvondo rapfuura, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekutongwa kwedzimhosva munyika VaObert Gutu, vanova zvakare mutauriri weMDC- T mudunhu reHarare, vakati bato ravo rakapa mazita ane chitsama evanofungidzirwa kuti ndivo vakapara mhosva idzi kumapurisa pamwechete nehofisi yaAttorney General.

“Takamirira kuti vanofungidzirwa kuti vakapara mhosva idzi vatongwe, kana kuongororwa. Tine chokwadi chekuti vose vari kupomherwa mhosva idzi vakange vane chekuita zvakanyanya muzviitiko izvi. Vanhu ava vanosanganisira vari muchiuto, varimo iye zvino uye vamwe vakasiya basa,” vakadaro VaGutu.Vakati bato reMDC-T harina hurongwa hwekushungurudza vanhu vakapara mhosva dzekukonzera mhirizhonga idzi, asi kuona kuti mutemo washanda.

“Vose vakava nechekuita muzviitiko izvi vanofanora kuziva kuti chavakadya chamuka. Tiri vateveri vebumbiro remitemo uye hatidi kupindira mumashandiro anoita vezvemitemo kana mapurisa- asi tinoda kuti mutemo ushande pane vanhu vebato redu,” vakadaro VaGutu.

VaGutu, gweta rine mukurumbira, vakawedzera vachiti MDC-T yakagadzirira zvapupu kana mhosva dzatanga kutongwa mumatare, asi vakaramba kudoma mazita ezvapupu izvi, vachiti vaityira kuti vanhu ava vanogona kupinzwa panyatwa nemauto.

“Manyepo kuti hatina humbowo uye kuti takahuburitsa nechekare.

Mapurisa anazvo zvose izvi uye vanoziva kuti tine zvapupu. Kukundikana kwavo kuongorora nyaya idzi kana kuendesa vanopomherwa kupara mhosva idzi kumatare kuri kukonzerwa nekutya zvingangobude mukutongwa kwemhosva- sezvo zvichiburitsa manyongorosi akavandika,” vakadaro.

Pane mutsaiko mukuru pamaonero anoita bato reZanu (PF) nemapato maviri eMDC maererano nemafambisirwo anofanira kuitwa basa nebato reHuman Rights Commission, iro risati ratanga kushanda kunyangwe zvaro rakaumbwa makore ane chitsama apfuura sezvo pasina mutemo unodorongodza mashandiro aro.

Mapato maviri eMDC anoti bato iri rinofanira kuongorora kutyorwa kwemutemo maererano nekodzero dzevanhu mugore ra2008 nekuurayiwa kwevanhu munguva yegukurahundi, zvakaitika mumakore ekuma1980, apo mauto emutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe akaita chipiti-piti akananga kumadokero kweZimbabwe kunorwisa vainzi vapanduki.

Bato reMDC rinoti vanhu mazana mana neanoraudzira vakapondwa neZanu (PF) mugore ra2008, asi bato rakazvimiririra reCatholic Commission for Justice and Peace rinoti vanhu vanosvika zviuru makumi maviri vakapondwa zvinosiririsa munguva yeGukurahundi.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *