VaKwaru vanonzi vakapihwa madhora churu nemakumi matanhatu naPhilip Banket ekuti vamubatsire kuwana nzvimbo yekuvaka bhizimisi. Banket anonzi akazoenda kumapurisa svondo rapfuura mushure mekunge VaKwaru vatadza kuchengetedza chivimbiso chake.Mutauriri wemapurisa Ass Inspector Emmanuel Mahoko vakati mapurisa ari mushishi yekuongorora nyaya iyi.Chiitiko ichi hachisi chekutanga chinosanganisira vakuru vakuru mukanzuru dzakasiyana-siyana kubatwa nemhosva dzehuori mukugove-rwa kwenzvimbo dzekuvaka. Kutanga kwegore rino, mutevedzeri weMutungamiriri weguta VaTaurai Demo vakapiwa mhosva yekutenga nzvimbo yekuvaka nemadhora aive asisashande eZimbabwe.
Mutungamiriri weguta VaTeddius Chimombe nevamwe vakuru vakuru mukanzuru vakapihwa mhosva yekushambadza mumapepanhau nezvenzvimbo dzekuvakira mabhizimisi ayo vanonzi vakazogovana pachavo.
Izvi zvakakonzera kuti bato reMDC-T ritumire vaongorori vatanhatu kubva kubato ravo richitungamirirwa naVaFidelis Mhashu. Zvakawanikwa mutsvakurudzo idzi hazvisati zvaziviswa.
Zvichakadai izvi, vamiririri vane chitsama veMDC-T mukanzuru yekuChitungwiza vakamiswa basa nemhosva yekupa zvisiri pamutemo nzvimbo dzekuvakira dzimba. Bato reMDC-T riri kuongorora nyaya iyi.
Post published in: News

