Sarudzo dzisina gadzisiro dzinokwidziridza bato reZanu (PF); Sikhala

Sarudzo dzenyika pasina kugadziriswa nekuzadzikiswa kwemamiriro emitemo yezvematongerwo enyika nezvekuchengetedzwa kwerunyararo zvinoratidza kushaikwa kwemutemo munyika uye zvinokwidziridza bato reZanu (PF),akadaro mutungamiri webato reMDC99, Job Sikhala.

Job Sikhala
Job Sikhala

Mutungamiriri uyu, aimbova akabata chinzvimbo chemumiririri weMDC kuSt Mary’s akaudza pepanhau reZimbabwean masvondo apfuura muhurukuro, kuti danho rakatorwa nedare guru muguta reBulawayo rekuti mutongo wakapihwa nerimwe rematare edzimhosva reHigh Court kudunhu iri, uyo wakatara kuti mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe vadaidzire sarudzo dzevatungamiriri vematunhu matatu muMatabeleland musi wa30 Gunyana usati wadarika, haufadzi uye vanhu ngavasapemberere sezvo mamiriro ezvematongerwo enyika asina kugadzikana.

Sikhala akati bato rake reMDC99 harizi kuzopedza nguva neupfumi hwaro richikwikwidza musarudzo dzisina maturo.

Ruzhinji rwevanhu runoona kuti panoda hurumendeyevanhu inova yatadza kuunzwa nemapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa.”

Dare guru iri rakaramba chikumbiro chemukuru wenyika VaRobert Mugabe

icho chaipikisa sarudzo dzekusarudza vatungamiriri vematunhu

ekuchamhembe kweNkayi, kumabvazuva kweBulilima ne Lupane.Matunhu aya

akasara asina vamiririri mushure mekudzingwa kwevamiririri venzvimbo

idzi Abedinico Bhebhe, Njabuliso Mguni naNorman Mpofu vose vanobva

mubato diki reMDC rinotungamirirwa naVaWelshman Ncube.

Sikhala akati bato rake harifi rakaregerera mbavha dzemuZanu (PF)

dzakapara mhosva dzakaipisisa muvanhu vemuZimbabwe kubva mugore

ra1980.

Akakurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti varambisise chibvumirano

chakaitwa nemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, chekuti bato

rakasarudzwa kuti riongorore kuvhiringidzwa kwekodzero dzevanhu

munyika reHuman Rights Commission risaongorore mhosva dzezvematongerwo

enyika dzakaparwa mumashure mekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa,

kutanga kwa2009.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *