VaDenga vakati sangano iri riri kuparadza mabasa ebudiriro ane chitsama senzira yekuti vashaye rutsigiro musarudzo dziri kutevera.
“Vari kudzivisa mabasa ebudiriro muMbare senzira yekuratidza veruzhinji kuti MDC yakundikana. Pane mabasa ane chitsama andakavamba munharaunda yeMbare kuitira kuvandudza mararamiro evagari venzvimbo iyi, asi mazhinji akaparadzwa nesangano reChipangano,” vakadaro VaDenga.
“Migodhi yakapazwa zvikaita kuti titume vanhu kunogadzira, asi vakadzingwa. Chinhu chinoshungurudza ndechekuti nzvimbo yeMbare iri kuda rubatsiro rwebudiriro mumapato mazhinji, asi vechidiki ava vari kudzivisa mabasa ebudiriro mazhinji anogona kuvandudza hupenyu hwevanhu venzvimbo ino.”
Denga akati chinonyanyo shungurudza mashandiro ane rusarura maringe nemapato ari munyika emapurisa, ayo anongookera sangano reChipangano richiita madiro mukutyora mitemo.
Pane imwe nguva, mumiririri weMbare muhurumende mubato reMDC- T uyu akazvindwa nevechidiki ava kunzvimbo inogara veruzhinji sembeva kumahositeri. Kutyisidzirwa maererano nehupenyu hwake neveChipangano kuri kuita kuti atadze kushanda pamwe nevagari venzvimbo yaanomiririra.
”Fungai, handisununguki kufamba munzvimbo mune vanhu vandinomiririramuhurumende asi ndinofanira kuenda muvanhu ndichinonzwa zvichemo zvavo.
Pane zvakawanda zvinoda kuitwa, asi tinozviita sei kana sangano reChipangano rakamirira mukana wekutisveta ropa? Tikatumira vamwe vanhu, vanodzingwa.”
Vakaratidza kushushikana nekushungurudzwa kuri kuitwa vanotengesa tengesa neny’any’a dzemusangano uyu. Vatengesi ava vari kumanikidzwa kutenga makadhi emusangano weZanu (PF).
Post published in: News

