Gutsaruzhinji muVillage 13 pakugovewa kwechikafu

Nharaunda yekuBuhera yakunda mukugovera zvine ruenzaniso chikafu chavari kuwana kubva kuhurumende kuburikidza nehurongwa hwerubatsiro rwezvekudya.

Hurumende yemubatanidzwa yakaumba mapoka munharaunda dzakasiyana-siyana senzira yekudzivirira kugoverwa uye kushandiswa kwerubatsiro rwezvekudya urwu mukutsvaga vatsigiri, zvanga zvichiitika makoreapfuura- kunyanya munguva dzakarerekera nesarudzo.

Sabhuku Kennedy Rusere vekuVillage 13, munzvimbo yaMambo Nyashanu kuBuhera, vanoti pane boka rinoongorora chirongwa chose vanhu vasati vagoverwa chikafu.

“Tine boka rinotibatsira, towirirana tisati tatanga kugovera chibage chatinopihwa kuburikidza nechirongwa chekubatsira vanhu vakaomerwa nekushaya zvekudya. Munhu wese akaomerwa asi pane vakaomerwa kudarika vamwe, zvinoita kuti tigare pasi senharaunda tosarudza vanofanira kutanga kuwana rubatsiro urwu,” vakadaro.

“Handisati ndaona huori panguva yenzara yakadai. Zvinondirwadza kuona vanhu vangu vachifa nenzara, nokudaro tichagovana rubatsiro urwu zvakanaka.”

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *