Sebato rakasarudzwa nevanhu uye bato riri kutonga mudunhu rino, takaona zvakakodzera kuti munhu wose awane mukana wekupemberera rusununguko rwenyika rwakavepo nekuda kwehondo,”vakadaro VaKokerai Rugara, Seneta veBikita vakamiririra bato reMDC-T.
“Nechikonzero chekuti zvigaro zvaSeneta, nhengo makumi maviri netanhatu kubva mumakumi matatu neimwe dzedare reparamende kumabvazuva, chamhembe nekumadokero kweBikita ndezveMDC-T , takaona zvakakodzera kutenga mombe mbiri dzatakaurayira vagari venzvimbo ino kuti vadye patinenge tichipemberera kuzvitonga kuzere,”mumiririri wekumadokero kweBikita VaHeya Shoko vakadaro. – Byron Mutingwende
“Tafara kuti vanhu vakotonoka muhuwandu hwavo kuuya kuzopemberera zuva iri zvisinei kuti ndevebato ripi, vanorarama sei uye vakapfuma kana kuti vanoshaya sei. Mweya wehugamba wabuda kubva kumavambo kusvika kumagumo,” vakawedzera.
Vanoremekedzwa pamhemberero iyi mukuru mukuru wedunhu VaEdgars Senza vakawedzera nekurudziro yekuti vagari vanofanira kutevedzera mweya werunyararo nekubatana waive waratidzwa nevakuru vakuru vemapato akasiyana- siyana eZanu (PF) neMDC-T.
Vaimbove mumiririri wekumadokero kweBikita muhurumende, vakasiya basa muchiuto VaClaudious Makova vakakurudzira runyararo.
“Kurwisana hakuna zvakunopa uye hapana budiriro yatingaite senyika kunze kwekunge tabatana murunyararo nekuwirirana tichigamuchira mafungiro emumwe neumwe wedu akasiyana,” vakadaro.
Chiitiko ichi ndechekutanga mumakore gumi nemaviri apfuura,vatungamiriri vezvematongerwo enyika vachibatana mukupemberera zviitiko zvinokosha munyika. Makoreapfuura, vakuru vakuru vemapato aya, vairegedza kuenda kuzviitiko zvenyika zvinenge zvichirongwa nerimwe divi. Mapurisa, mauto uye vanochengetedza vasungwa vedunhu iri vaivepo pamhemberero idzi.
Post published in: News

