Kurwisana muMDC- T kwogadziriswa

Murongi mubato reMDC-T munyika vaNelson Chamisa vakaedza kugadzirisa mamiriro emusangano mumatunhu, munonzi vamiririri vari kusarudzwa zvisina tsarukano zvozviringidza mutemo wegutsaruzhinji.

Chamisa
Chamisa

Mutauri ari mubato iri akaudza bepanhau reZimbabwean kuti VaChamisa vakati vatungamiriri vematunhu vaive vabviswa pazvigaro vadzorerwe nekukasika.

Mutauri uyu anoti izvi zvakaitirwa kuti pasave nesarudzo itsva dzevatungamiriri vematunhu sezvo zvaiwedzera kusawirira mubato.

“Ndinofunga vakazviita sezvo sarudzo dzaireva kusawirirana uye kuwedzerwa kwemapato mapato mumusangano zvodzikisira vatsigiri mubato isu takatarisana nesarudzo gore rinouya,” akadaro mutauri uyu.

Akati zvigaro zvakawanda hazvina vamiririri sezvo huori nekusawirirana zvaiita kuti vamwe vatsigiri vakundikane kugadza vamwe vatungamiriri pazvigaro izvi. VaChamisa vakati bato ravo rine hurongwa hwekuzadzisa zvigaro zvose zvisina vamiririri nekuona kuti zvigaro zvose zvitsva zvazadziswa.

Tiri kuzadzisa zvigaro zvose zvakabvumiranwa pamusangano wedu webato tichitevedzera mutemo,” vakadaro VaChamisa

Vakati hurongwa uhwu huri kuitwa munzvimbo dzose dzenyika uye zvasimbaradza musangano. Vakati hofisi yavo iri kuongorora nekugadzirisa nyaya yekurwisana pakati pevatsigiri mubato uko kwaita mukurumbira.

Ward 14, nharaunda yekumabvazuva kweZengeza kuChitungwiza ine matambudziko mushure mekunge sachigaro wedunhu iri vaIsaac Kambeva vaisa munhu wavo pachigaro. Mumwe mukuru mukuru muvatungamiriri vematunhu akaudza mutori wenhau webepanhau reZimbabwean kuti masvondo maviri apfuura, Ward 14 yakasarudza sachigaro mutsva wenzvimbo iyi nesarudzo asi Kambeva, anonzi akashanda achitevedzera zvaive zvataurwa nemumiririri wenzvimbo iyi muhurumende vaAlexio Musundire akashandura zvaive zvabuda musarudzo idzi, ndokugadza munhu waaida.

“Takabvunza kuti sei Kambeva aive aita izvi asi akapindura kuti dunhu rine simba kushandura zvinoitika munharaunda. Takakumbira dzokororo yesarudzo sezvo zvaiva zvaitwa tichitevedza zvegutsaruzhinji asi Kambeva akaramba,” akadaro mutauri uyu.

”Kutaura kuno hatisi kuenda kumusangano nenyaya iyoyi uye zviri kuzviringidza musangano wedu. Kunangwe sachigaro mutsva wenharaunda haana chaanokwanisa kuita sezvo vatsigiri vose vakamuramba.”

Akati kugadzwa zvechisimba kwevatungamiriri pazvigaro nekutengwa kwemavhoti kwakawanda muChitungwiza, akati mashoko avaChamisa haana ari kuatevedzera.

VaMusundire navaKambeva havana kukwanisa kupa huchapupu panhau iyi

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *