Mambo voshuvira runyararo

Mambo Mashayamombe vokurudzira vagari venzvimbo yavo kuti vachengetedze runyararo apo nyika yotarisana nekuvhotera kana kuramba bumbiro idzva remutemo pamwechete nesarudzo dzevatungamiriri vezvematongerwo enyika.

Mumakore apfuura bato reZanu (PF) rinozivikanwa nekushandisa vechidiki varo kurova nekutyisidzira vagari vekumaruwa. Rinoshandisa zvakare madzishe mukutsvaga rutsigiro mumaruwa muchishuvo charo chekurambirira pazvigaro.

Chibvumirano chematongerwo enyika chinoti mapato matatu ehurumende anofanira kutevedzera chisungo chinokoshesa kushanda kwemadzishe .

Vachitaura pamusangano wekucherechedza kukosha kwekuyamwiswa kwevana pasi rose wakaitwa pachikoro cheRio Tinto kuMhondoro masvondo apfuura, Mambo Mashayamombe vakati vagari vedunhu ravo vanofanira kugara uye kushanda murunyararo.

Taneta nekurwisana kwevanhu nemhaka dzezvematongerwo enyika kunyanya mudunhu redu rekumadokero kweMashonaland, zvino ndinoti hatichadi zvachose kurwisana munharaunda yedu,” vakadaro.

Mambo Mashayamombe vakakumbira vanhu vose kunyanya masabhuku “kuuya kuzodzidziswa nzira dzekugarisana murunyararo pakati pevatsigiri vemapato akasiyana- siyana” asi havana kudoma kuti dzidziso iyi ichaitwa kupi uye nani.

KwaMambo Masunda kuZvishavane masvondo apfuura, gurukota rematunhu muhurumende VaChombo rakapupura kuti hurumende ine hurongwa hwekupa madzishe ose motokari dzechizvino- zvino.

Vatauriri vakazvimiririra vezvematongerwo enyika vanoti chiitiko ichi chikabudirira, chingangokanganise ruenzaniso mune zvematongerwo enyika sezvo nyika yakatarisana nesarudzo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *