VaMujuru vakafa zvisina tsarukano mumoto papurazi ravo kuBeatrice munaNyamavhuvhu gore rakapera. Tsvakurudzo yekuongorora chikonzero cherufu rwavo chakatadza kuburitsa tsananguro inogutsa pamusoro pemoto wakavauraya uyu.
Mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe vakaratidzawo kusagutsikana netsananguro yekuti VaMujuru vakafira mumoto, uye mhuri yemushakabvu yakadaidzira kuti matikitivha akazvimiririra ashande nyaya iyi.
Chimombe akasungwa masvondo maviri apfuura nemhaka yekunenedzera mutevedzeri wemutungamiriri wenyika VaJoice Mujuru kuti ndivo vakakonzera rufu rwemurume wavo. Ari kuramba mhosva iyi. Muhurukuro yaakaita nebepanhau reZimbabwean, Chimombe akati mushure mekusungwa pakamba yemapurisa yeBindura, akabvunzurudzwa kwemaawa matanhatu.
“Ndakavharirwa muimba yangu ndega umo matikitivha manomwe vakandibvunzurudza nezveupenyu hwangu. Vakandibvunza kuti sei ndakapinda mubato reMDC vakatukirira nekutsoropodza hofisi uye mutungamiriri wehurumende VaMorgan Tsvangirai. Pavakaona kuti handisi kuvaudza zvavaida, vakandivimbisa zviuru gumi neshanu zvamadhora kana ndikavaudza kuti ndiani akauraya VaMujuru.”
“Mapurisa vakandipomera, pamwe nevatungamiriri vose veMDC mhosva yekushaya rukudzo kuna VaMujuru,” akadaro Chimombe.
Mutauriri wemapurisa VaMemory Pamire havana kukwanisa kupa pfungwa dzavo sezvo vakati vaive pazororo.
Mumiririri wekumaodzanyemba kweShamva uyu akabhadhariswa mazana maviri emadhora semuripo wekuti ave kunze kwetirongo achimirira kutongwa kwenyaya yake uye akanzi anofanira kumhan’ara pakamba yemapurisa eMadziva chishanu choga choga.
“Inyaya yakabikwa,” akadaro Chimombe achiwedzera nekuti kusungwa kwake inzira yematikitivha yekushungurudza vatsigiri veMDC.
Post published in: News

