Mari yebudiriro yakaperera kuzambuko, zvigaro

Vagari venzvimbo iyi vari kutsutsumwa nemashandisirwo akaitwa mari yebudiriro redunhu ravo, zviuru makumi mashanu zvamadhora nemumiririri wavo muhurumende, Evelyn Masaiti.

VeMDC- T vanobata vari mumapato ematunhu vakaratidza kutsutsumwa nechiitiko ichi vachiti Masaiti akavaka zambuko retsoka, rinobatanidza Dzivarasekwa nenzvimbo tsva yayakavakidzana nayo nekupenda imba imwechete inoshandiswa nevazhinji munharaunda, ndokuti akashandisa madhora zviuru makumi mana nematanhatu

“Handifungi kuti vangafamba munzvimbo ino vakasarasika nekuti nguva zhinji vanenge vasinesu. Ini pachangu handisati ndambovaona. Chokwadi, handitovazive kunyangwe ndakavavhotera,” akadaro Sekai Matyora wekuDzivarasekwa 3.

Mumwe mugari, Peter Mazara akati kunyangwe achiziva mumuririri wake muparamende, akapedzisira kuvaona munzvimbo iyi kare achiti hofisi yavo mudunhu inogara yakavharwa.

Mumwe mukuru mukuru mubato reMDC akataura nechikumbiro chekuti zita rake rivanzwe akati Masaiti akaramba kuteerera mazano kubva kugungano redunhu kuti ashandise mari yekuvandudza budiriro redunhu kucheresa zvibhorani.

Taive tawirirana kuti dambudziko guru raive rekupa vagari mvura yakanaka saka taifanira kutanga nekuchera zvibhorani, asi ivo vaive nedzimwe pfungwa,” vakadaro.

Masaiti akaramba mashoko ekuti akashandisa mari iyi zvisirizvo, achiti akatenga midziyo yekugarira mudzimba nhatu dzedunhu uye akagadzirisa mafafitera. Zvisinei, mutori wenhau wepepa rino akaona kuti mafafitera aya aive akapwanyika.

“Ndakacheresa chibhorani kuDzivaresekwa Extension asi vanga vachiita basa iri vambomira nekuti muchina wavo wakafa. Ndine humbowo hwekuti mari dzakabhadharwa, mukaenda kunoona Munodawafa, ari mubazi rinoona nezvemutemo unobata vamiririri vehurumende, anokwanisa kukuratidzai zvese,” akadaro Masaiti.

Zvisinei, pakushanyira nzvimbo dzakadomwa idzi pakaonekwa kuti hapana shanduko yaive yatora nzvimbo sezvo imba yeveruzhinji kuDzivarasekwa 3 yainge ichawira pasi nekusakara. Zvakaonekwa kuti kuDzivarasekwa 1, imba yeko yaive yapendwa pamberi uye midziyo yaive yataurwa zvigaro zvisingadiriki makumi matatu zvinofungidzirwa kuti zvingangoite mazana matatu emadhora.

Mushandi wekanzuru yeHarare akataura achikumbira kuti zita rake risabude akati hapana mafafitera akagadziriswa paimba yeveruzhinji munharaunda sekutaura kwaMasaiti.

Mumwe wevari musangano redunhu mubato reMDC akapa vamwe vake vaanoshanda navo mhosva yekushandisa mari iyi mumabhizimusi avo asinei negutsaruzhinji.

”Pakutanga Masaiti aive ati pachereswe zvibhorani asi vaanoshanda navo mudunhu vakaramba nemhaka yekuda kushandisa mari iyi mumabhizinesi aivandudza hupfumi hwavo kwete hweruzhinji. Vakafurira Masaiti,” akadaro.

Vamiririri venzvimbo dzakasiyana- siyana muhurumende vemapato eZanu (PF) neMDC- T vakasungwa nebato rinoona nezvekudzivirirwa kwehuori munyika nenyaya yekushandisa zvisina humbowo mari yakanangana nekuvandudza budiriro yematunhu. Pane vazhinji vari kuongororwa nesangano iri mushure mekukundikana kupa humbowo hwekuti vakashandisa sei mari iyi.

VaJohannes Tomana vakamisa tsvagurudzo yesangano iri, ndokupa bazi rinoona nezvemafambisirwo ezvemitemo muhurumende basa rekuongorora mafambisirwo emari idzi mumatunhu ose mazana makumi maviri negumi.

Chiitiko ichi chakatsanangurwa nevaongorori vakazvimiririra munyika senzira yekuchengetedza vakuru vakuru mubato reZanu(PF)vaive vobatwa nemhosva.

Tsvakurudzo iyi yaifanira kupera muna Chikumi gore rino asi gurukota rezvemitemo muhurumende VaEric Matinenga, vakati ichapera gore rinouya. VaMatinenga vakati bazi ravo richamhan’ara kune vanoona nemafambisirwo emabasa ose kana tsvakurudzo iyi yapera.

Tichamhan’ara, asi zvatinenge tawana kunyangwe zvisina kutsarukana,hatina simba rekutonga vanenge vabatwa nemhosva sezvo muchiziva kuti harisi basa redu asi raVaTomana uye chinzvimbo chavakatora munochiziva,” vakadaro.

Masaiti was given a constituency in Harare by her party in 2008 after having represented Mutasa South in Manicaland.Masaiti akapihwa dunhu rekumiririra muHarare nebato reMDC- T muna 2008 mushure mekunge amiririra kuchamhembe kweMutasa, kuManicaland.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *