Munda wemabhanana washandura hupenyu hwemadzimai

Madzimai epaJopa kuChipinge vawana nhoo yekupumha nayo hurombo vachitengesa mabhanana, zvichibva mukushandurwa kwemunda weGombati kubva mukurima masamba kuve munda wekurima muchero uyu.

Mangwanani oga oga madzimai aya anoita chipiti- piti kumunda uyu kwavanotenga mabhanana vonanga pamugwagwa unopesana nzira dzeJopa neChimanimani pavanoita makwikwi ekutengesera vafambi.

Chengetai Murakata, mumwe wevatengesi vemabhanana anopa kutenda kumurimi anopa madzimai mukana wekutenga kumunda wake, achiti bhindauko rake idzva iri rapundutsa mararamiro ake.

Hupenyu hwedu hwashanduka sezvo tava kukwanisa kudya chikafu chine mutsa,” akadaro. Zuva rake rinotanga mashambanzou paanomhanyira kunotsvaga mabhanana kusvika husiku- siku paanodzokera kumba mushure mekushanda nesimba.

Handina nguva yekuzorora; kumuka nguva dzeina mangwanani ndichirara nguva dzegumi asi chokuita hapana,” akadaro. “Vavakidzani vangu vanotondisuwa. Handina nguva yekutandara navo sezvo nguva zhinji ndinenge ndisipo.”

Mukuru wechikoro paJopa; VaFarai Sithole vakabvuma kuti pava nemutsauko pamabhadhariro ave kuita vabereki mari dzechikoro uye vana vazhinji vave kuuya kuchikoro nemhaka yekuwedzerwa kwehupfumi muhomwe dzavo.

Kubva muna 2009, takavamba kuona mutsauko pahuwandu hwevana vaiuya kuchikoro uye nemari dzaibhadharwa kunyanya mukotoro yekutanga,” vakadaro VaSithole.

Vana vave kuenda kuchikoro vakapfeka nyufomu neshangu, chiitiko chakange chanyangadika nugore ra2008, apo Zimbabwe yaive yakadzikira zvakanyanya mune zvehupfumi.

Ambuya Joyce Mawerede, mushandi mumunda wemasamba weGombati kwemakore makumi maviri apfuura, vanoti basa ravo idzva iri riri kuvabhadhara zvavanogutsikana.

Ndakashanda mumunda wemasamba kwemakore makumi maviri asi handina kukwanisa kutenga mombe. Zvaisava nyore sezvo taishandira dhora rimwe pazuva. Pazuva rakanaka ndinoenda kumba nemadhora gumi inoita madhora mazana matatu pamwedzi,” vakadaro.

Doreen Mudarikwa, mutengesi zvekare, akati zvakanakira mabhanana ndezvekuti anorimwa gore rose. Aitsatsarika kuriritira mhuri yake kubva pakaenda murume wake kuSouth Africa, kwaakanoroora mumwe mudzimai.

Ndakagara natete vangu mushure mekudzingwa nevabereki pamba.

Zvakatanga zvakaoma asi kubva pandakapiwa mari yekutanga bhizimusi iri neshamwari yangu, zvashanduka. Ndava kukwanisa kuendesa vana vangu vaviri vari padanho repuraimari kuchikoro,” akarondedzera.

Mathias Mateu Mlambo, mumiririri wenzvimbo iyi muhurumende ari mubato reMDC- T, anoti munda wemabhanana uyu washandura mararamiro evanhu venzvimbo yeJopa.

Ndinopfuura nemunzvimbo iyi musvondo roga roga ndichiona mutsauko muhupenyu hwevanhu ava nevakavapoteredza,” vakadaro.

Vagari vekumaruwa ndivo vane hurombo hwakanyanya muZimbabwe, nyika yakadomwa nemanzwiranyaya esangano reUnited Nations Human Development kuti iri pakati penyika dzinoverengwa pahurombo, sezvo vazhinji vachirarama nedhora pazuva.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *