Mvura yomutsa bongozozo rezvematongerwo enyika

Nzvimbo ine mukurumbira wekurwisana kwevatsigiri vemapato maviri anokwikwidzana mune zvematongerwo enyika, Zanu (PF) neMDC- T vakatoporana nenhau yemvura yechibhorani kuUnit D svondo rapfuura.

Vatsigiri vemapato aya kuWard 15,Chitungwiza, anotungamirirwa naIdah Mafunga weMDC-T vaive voda kurwisana nenyaya iyi. Bopoto rakazodzimurwa naVaLloyd Bhunu, vaCentral committee mubato reZanu(PF).

“Chibhorani chakacherwa senzira yekupedza matambudziko emvura munharaunda uye hachisi che Zanu (PF) kana MDC,” vakaudza vagari.

Mutsigiri weMDC akataura achikumbira kuti zita rake richengetedzwe akati hakusi kutanga mapato maviri aya achikakavadzana pamusoro pechibhorani chimwechete chemunharaunda iyi ichi.

“Gore rakapera pakaita dambudziko irori vatsigiri vachirwira kuchera mvura. Gore rino zviri kuenderera mberi paine vamwe vari kuvimbisa kudeuka kweropa nenyaya yechibhorani,” vakadaro.

Bopoto rakatanga apo vatsigiri veZanu (PF) vakaramba kumira mumutsetse wekuchera mvura. Vakapa vebato rinopikisana navo mhosva yekuita chibhorani chavo vachida kuvatokonya kuti vagosvibisa zita ravo.

“Bato remadzimai eZanu (PF) ndiro rakatanga hondo yose apo vakanyepera vakuru mubato ravo kuti isu veMDC tiri kuvashaisa mukana wekuchera mvura,” akadaro mufakazi.

Mutsigiri weZanu (PF), VaNicholas Chikoto vakapupura nezvechiitiko ichi vachiti ”Vebato reMDC vanofunga kuti chibhorani ichi ndechavo sezvo chakaiswa munharaunda yavakahwina musarudzo.”

Mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe, vanogarokurudzira runyararo muvatsigiri vavo, asi hapana anozvitevedzera. Mbozhanhare yemutungamiriri wenzvimbo iyi haina kudairwa dzamara pepanhau raenda kunodhindwa. Matambudziko ekushomeka kwemvura muChitungwiza ari kumanikidza vagari venzvimbo iyi kushandisa zvakanyanya mvura inobva mumigodhi nezvibhorani.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *