Vana vanogara mumigwagwa vomomotera mabasa muGweru

Gweru ndiyo nzvimbo yomomoterwa nevanhu vanogara mumigwagwa sezvo vemabhizimusi mudhorobha reMidlands vachivapa mabasa.

Kuwanda kwevana vanogara mumigwagwa kwakonzera makakatanwa pakati pavo nevanorarama nekutakurira vafambi mikwende yavo.
Kuwanda kwevana vanogara mumigwagwa kwakonzera makakatanwa pakati pavo nevanorarama nekutakurira vafambi mikwende yavo.

Izvi zvakabuda mutsvakurudzo yepachivhitivhiti yevana vanorarama vari mumigwagwa munzvimbo dzinoti Harare, Gweru ne Bulawayo yakaitwa nesangano reSouthern Africa HIV and Aids Dissemination Service (SafAIDS).

”Vemabhizimusi muGweru vave netsika yekunyima vana vanogara mumigwagwa ava chouviri kunyanya vanenge vati samhukei. Vanovapa mabasa kunyanya ekutakura zvinhu zvavo. Vamwe vevana ava vakatobva kunzvimbo dzekure dzinenge Harare, Bulawayo, Zvishavane neMutare nechinangwa chekutsvaga basa muGweru,” yakadaro tsvakurudzo iyi.

Tariro Moyo akataurira Zimbabwean kuti kuwedzera kwehuwandu hwevana vanorarama vagere mumigwagwa ava kwakonzera makakatanwa pakati pavo nevagari venzvimbo iyi vanorarama nekutakurira vafambi mitundu yavo vanodaidzwa kuti mahwindi.

”Tsivo pakati pevana vasina pakati tsvikiti pekugara naana hwindi vave nenguva vachiita basa iri muguta dzakanyanya. Vana hwindi vanoti vana ava vavatorera basa ravo,” akadaro.

Moyo akati vadiki ava vane tsika yekupedzera mari yavanowana kudoro, fodya nezvinodhaka. Sangano reSafAIDS rinoti huwandu hwevanhu vanogara mumigwagwasina huri kuwedzera nemhaka yekuparara kwemisha, nhamo uye chirwere chemukondombera pane zvimwe.

Sangano rakazvimiririra reConsortium for Street Children, rinoti vana vanosvika zviuru gumi nemaviri vari pasi pemakore gumi nemasere vanogara mumigwagwa yeZimbabwe, zviuru zvishanu muguta reHarare.

Sangano reStreets Ahead rinoshanda nevana ava rinokakavara kuti vakawanda kudarika apa sezvo rinowana vana makumi maviri pasvondo vanotsvaga rubatsiro.

SafAIDS yakavamba hurongwa huchange huripo kwemakore matatu anotevera hwekubatsira vana ava mune zveutano hwenhengo dzesikarudzi. Hurongwa uhwu hunodaidzwa kunzi “Young for Real” hune vavariro yekuongorora, kukurudzira nekushandura mutemo uye kuwedzera kunzwisisa kwekodzero dzevechidiki ava munhau dzehutano hwenhengo dzesikarudzi dzavo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *