Varimi vomanikidzwa kubhadhara mamiriyoni

Macdom Investments, varidzi vekambani yemafuta ekuChisumbanje iri kuda kuripwa mamiriyoni maviri nemana emadhora nevarimi vakagariswa patsva panzvimbo yavakagadzirisa muna 2009 inosvika mazana mana negumi emakandiwa.

Pakatora Macdom nzvimbo yepurazi reChisumbanje kubva kukambani yairatidza kukundikana yeArda, yakatora nzvimbo yaishandiswa nevarimi vatsva ava vaishanda vasiri pasi pechirongwa chebazi rezvekurima muhurumende.

Mushure memakore matatu ekukakavadzana, varimi vatsva ava vakabudirira ndokudzorerwa minda yavo asi kambani yoda kuvabhadharisa mari yakashandiswa mukuvandudza ivhu nenzvimbo iyi.

”Mubhadharo uyu unoreva kukanzurwa kwemamiriyoni maviri nemana amadhora akadomwa semari yakashandiswa kuvandudza mazana mana negumi emakandiwa enzvimbo yakatorwa,” inoverenga tsamba yakanyorwa nemukuru weArda vaWillard Mbona vakamiririra kambani yeMacdom.

Varimi ava vakakundikana kuripa mari iyi. vaMbona vakati Macdom ichaenderera mberi nekushandisa nzvimbo iyi kwemwaka mitatu inotevera kuitira kuwana mari yavo yavakashandisa mukuvandudza nzvimbo iyi.

Varimi vatsva ava vari kurwisa vachipa kambani iyi mhosva yekuwedzeredza mutengo wezvakashandiswa mukuvandudzwa kwenzvimbo kuitira kuti vaore mwoyo.

Kuvandudzwa kwenzvimbo dzedu kwakaitirwa kugadzirisa minda yavo yetsvigiri yaive pedyo, tinofanira kubhadhara mari iyi tose ndokunge tabvuma kuibhadhara,” akadaro mumwe murimi, Sithole.

Varimi ava vari kuda kuripwa chibage chavo chavanoti chakaparadzwa neMacdom muna 2009 apo nzvimbo yavo yakashandurwa kuita minda yetsvigiri

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *