Vasungwa vakazvitakura vanoshungurudzwa

Vanochengetedza vasungwa nevashandi vemuzvipatara zvehurumende vari kubata vasungwa vakazvitakura zvakashata, vakadaro vanomiririra sangano rePrison Fellowship Zimbabwe, vaTawanda Gezi.

“Tinobatwa nekunze kweruoko nemagadhijeri,” skadaro mumwe musungwa aive achangobva kusununguka mwana wake pachipatara cheParirenyatwa muHarare.

VaGezi vakati vasungwa vakazvitakura vanoendeswa muzvipatara zvehurumende vari kutsutsumwa kuti vana mukoti vari kuvabata zvakashata.

“Vasungwa vazhinji vakazvitakura vanoendeswa kuzvipatara zveruzhinji kana vave pedyo nekusununguka. Vazhinji vavo vanomhan’ara kuti vanoregererwa nekubatwa zvakaipa naana mukoti. Takaudza vakuru vakuru vanoona nezvenyaya idzi asi nanhasi hapana chaitwa,” vakadaro VaGezi.

Vakawedzera vachiti kuunza vasungwa ava kuchipatara vaine njema kunoratidza rusarura.

Vanosarudzwa zvinovadzi-kisira munharaunda uye mwana anozvarwa anotambudzwa nemhosva dzaasina kupara,” vakawedzera.

Vaimbove gurukota rezveutano vave sachigaro webato rinoona nezveutano muhurumende VaDavid Parirenyatwa vanoti ongororo yakaitwa yakaratidza kuti madzimai akazvitakura anoshungurudzwa zvakanyanya.

“Panofanira kuva nechikamu chinogaroongorora nekutsvaga nzira dzekusimudzira mashandiro avana mukoti kuitira kuti tisare neavo vanokodzera kuita basa iri,” vakadaro.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *