Aimboita basa rekuvaka uyu anoti haachakwanisi kuzviriritira asi anoti kunyangwe bato reZanu (PF) ratanga zvakare kutyisidzira vatsigiri vemamwe mapato, kubinhwa kwaakaitwa kwakamusimbisa.
”Masikati emusi wetanhatu mumwedzi waChikunguru 2008, ndakamanikidzwa kuenda kumusangano weZanu (PF) waiitwa panzvimbo yemabhizimisi yaive pedyo. Apo musangano waive wopera ndakaudzwa nevanofambisa mabasa mumusangano uyu kuti ndaifanira kusara.
“Ndakapinzwa mumotokari zvechisimba yaive izere nevatsigiri vechidiki veZanu (PF) vanogara munharaunda mangu. Ndichangopinda mumotokari ndakanzi ndibvise nhumbi chipfeko changu chekumusoro chakabva chashandiswa kundivhara kumeso.”
“Takasvika panzvimbo inocherwa yandinoziva sepurazi reMhakwe ndikapinzwa mukamba kaduku kaive nerima. Ndiripo, ndabinhwa nevarume vanodarika vashanu. Ndakabuda ropa zhinji ndikafungidzira kuti ndofa.
Panguva dzose musoro wangu waidhumiriswa kumadziro”.
“Panguva yavaindizvinda iyi vaindipa mhosva yekuva mutengesi ndokundiudza kuti vachandirova kusvika ndafa. Handichazivi zvakaitika sezvo ndakadzimirwa kwemaawa ane chitsama, asi pandakapepemuka ndakazviona ndave mumba ine varume vasere vaive mudziva reropa.
Ndakaziva vatatu vavo sevavakidzani vangu. Takapfigirwa mumba umu kwemasvondo matatu. Ndakanzwa sendiri mugehena sezvo ndaigarorohwa nguva nenguva. Panguva iyi ndakarwara asi handina kuwana rubatsiro rwechipatara.
Ndaityira mhuri yangu uye ndaishushikana kuti chii chaive chaitika kwavari. Ny’a ny’a dzaive dzandibata dzaive nehutsinye sezvo taigara mazuva ane chitsama tisina kudya kana kupihwa mvura.
”Musi wa27 Chikunguru 2008, pane vanhu vakauya kwandaive ndakabatwa
senhapwa vakavataurira nehusiku kuti ndaifanira kuregedzwa.
Vakandiudza kuti ndimhanye semhepo uye ndisacheuka. Panguva iyi
ndakatya zvikuru sezvo ndakafungidzira kuti vaida kundipfura
ndakafuratira.”
”Kwaive nemhindo uye ndaisaziva kuti ndomhanya ndakanangepi asi
ndakamhanya husiku hwose. Ndakapfuura nepadzimba dzakawanda asi
ndaisakwanisa kutsvaga rubatsiro sezvo ndaitya kuita mahwekwe neny’a
ny’a dzaive dzambonditapa. Ndakazosvika kumba kwangu mangwanani ezuva
rakatevera ndikawana mhuri yangu isina dambudziko. Asi, ini ndakarwara
uye handina kuzonaya. Nekuda kwekushungurudzika, ndakaoma mitezo.”
Post published in: News

