Varimi vakataura nemutori wenhau wepepanhau rino vakati piritsi rimwe chete revanorarama nehutauchiona hweHIV, zvisinei nekuti imhando ipi rinokwana richisanganiswa nechikafu chehuku dzekutengesa idzi zana mumazuva maviri. Vakati chikafu chemhando yepamusoro ichi chinopiwa kuhuku panguva yakataramuka, sezvo huku dzichipihwa kaviri chete pasvondo.
Marangwanda akati pfungwa iyi akaitora kubva kuvavakidzani vake avo vanochengetawo huku dzekutengesa. Mumwe mutauriri akati mapiritsi aya vanoatenga nemari shoma pamusika mutema paanouya nevatengesi vanobva kuZambia, asi akawedzera achiti vashandi vemuzvipatara nemakirinika vanoatengesa zvekare. Mutauriri webazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwehutano munyika , Nyasha Maravanyika akaudza mutori wenhau webepa rino kuti bazi ravo riri kuongorora nyaya iyi. “Zvinosuwisa kunzwa kuti pane vari kushandisa mapiritsi evarikurarama nehutachiona hweHIV sechikafu chehuku dzavo,” vakadaro.
Mukoti muhurumende, Kurauone Takaedza akati zvinokwanisika kuti mapiritsi aya anokwanisa kukudza nekukasika huku, asi pashaikwa mazvikokota akwanisa kupa humbowo hweruzivo rwepamusoro nenhau iyi kana zvaangakonzeresa muhutano hwevatengi. Bazi rinoona nezvenyaya dzevanhu vari kurarama nehutachiona munyika reNational Aids Council, rinoti zviuru zvemazana makumi mashanu evanhu vari kuwana rubatsiro rwemishonga inoderedza hutachiona hweHIV asi zviuru zvemazana makumi matanhatu zvine tarisiro yekuwana mishonga iyi. Zvisinei mapato akazvimiririra anoti vanhu vari kuwana rubatsiro rwemishonga iyi vari pasi , asi zviuru zvemazana.
Post published in: News

