Mashoko aya abuda mushure mekukundikana kwaVaMutambara kutevedzera chisungo cheSADC chekuti vasiye basa semumiririri webato ravo muhurumende yemubatanidzwa. Sangano reSADC rakaburitsa mumusangano wakaitwa nguva pfupi yapfuura kuMaputo kuti harisi kuzogashira VaMutambara semumiririri webato ravo, asi vari kuramba kutsukunuka.
VaMutambara, mutungamiriri webato diki reMDC rave kutungamirirwa naVaWelshman Ncube vakadyiwa musarudzo dzakaitwa kuungano yegore yebato iri yakaitwa kuBulawayo gore rakapera. VaMutambara vari kukwikwidza sarudzo idzi kumatare epamusoro- soro munyika.
Vaongorori vanoti mumiririri ndiye anofanira kutungamirira bato diki iri muhurumende, rakasaina chibvumirano chekuva muhurumende yemubatanidzwa muna 2008, zvakakonzera kuumbwa kwehurumende iyi mukutanga kwa2009.
Muhurukuro, VaBiti vakati VaMutambara varatidza kuti vakaipisisa kupfuura VaMugabe sezvo vari kurambirira pachigaro chehutungamiriri hwebato kunyangwe vasina kukwikwidza musarudzo dzakaitwa pamusangano mukuru webato ravo muna 2011.
“VaWelshman Ncube vakasarudzwa pamusangano mukuru webato usina kukwikwidzwa naVaAurthur Mutambara uye ndakaona mufananidzo wepachivhitivhiti VaMutambara vachikorokotedza VaNcube.”
“Ndinoshushikana nenyaya iyi semunhu, nekuti tarisiro iripo pane vezvematongerwo enyika vazvino ndeyekuti tisaite zvanga zvichiitwa neZanu (PF). Kunyangwe VaRobert Mugabe vanoshuvira kutevedzera mutemo.
Haungazviite mutungamiriri webato rausina kana kuvhota mukusarudzwa kwemutungamiriri iyeye.Hazviitiki,” vakadaro VaBiti.
VaMutambara vanotsungirira kuti vanofanira kuramba vari mumwe wevatungamiriri vari muhurumende yemubatanidzwa, vachipa mumiririri weSADC muyananiso, vari zvekare mutungamiriri weSouth Africa VaJacob Zuma mhosva yehuori mukudaidzira kubviswa kwavo pachinzvimbo.
Mwanasikana waVaZuma mudzimai wemwanakomana waVaWelshman Ncube.
VaBiti vakati mashoko aVaMutambara haana maturo sezvo vakarambwa
nebato ravo, kwete naVaZuma.
“VaZuma vakanga vasipo pakaitwa musangano weMDC kuBulawayo munaNdira
gore rakapera. Vaive vasipo. Havasivo vakasarudza VaWelshman Ncube
nokudaro hazvina maturo,” vakadaro VaBiti.
Mutori wenhau akundikana kuwana mashoko kubva kuna VaMutambara
pamusoro penyaya iyi sezvo mbozhanhare yavo yakaramba
Post published in: News


tofanirwa kunzwisisana sevanhu venyika imwe chete ndinowimba nekudaro tinobudirira