Vana Mukoti vopa mishonga yeHIV

Hurongwa hwehurumende hunotendera vana mukoti kupa varwere vane hutachiona hunokonzera mukondombera mishonga huchabatsira varwere kukurumidza kurapwa, mukuru mubazi rehurumende akataura.

Hurongwa uhwu hunotevera kushandurwa kwemabasa avana mukoti nebazi rinoona nezvevashandi ava munyika.

Munguva yapfuura, vana mukoti vaingotenderwa kupa varwere mishonga inenge yarehwa naana chiremba. Gurukota rinoona nezvehutano vaHenry Madzorera vakati varwere vazhinji vari kukundikana kuwana mishonga nenguva.

“Tinoziva kuti vana chiremba vashoma munyika zvanga zvichikonzera matambudziko mukubatwa kwebasa mubazi rezvehutano. Kuwedzerwa kwemabasa aana mukoti kubatsiridza vana chiremba idanho richabatsira varwere kuwana mishonga nenguva.” vakadaro. Vakawedzera vachiti danho iri richaderedza huwandu hwevarwere vakamirira kutanga kupihwa mishonga inoderedza hutachiona hweHIV muzvipatara nemakiriniki.

Munguva yapfuura varwere vane hutachiona hweHIV vaimirira kuongororwa naanachiremba vasati vatanga kunwa mishonga inoderedza hutachiona uhwu.

Muzvipatara zvizhinji zvemumaruwa, chiremba anoshanya kaviri pamwedzi. Rimwe sangano rinoona nezvevanorarama nehutachiona hweHIV rakati danho iri richayamura varwere nevanovachengeta.

“Vagari vekumaruwa ndivo vanonyanya kutambudzika sezvo zvipatara nemakiriniki zviri kure. Patakashanya kuMhondoro pakutanga kwegore rino, paive nemadzimai aitsutsumwa kuti vana chiremba vanongouya kamwechete pamwedzi,” akadaro Evince Mugumbate wesangano iri.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *