Vagari vakataura nemutori wenhau weZimbabwean vakati votya kufamba mumigwagwa yemudhorobha.
“Ndaishanda semutori wemifananidzo mumakwikwi ekutsvaga murume akashata kudarika vamwe vose munyika apo mhomho yevana ava yakandimomotera ndichienda kumba. Ndakashandisa mutanda wemushina wekutora mifananidzo sechombo chekuvadzinga,” akadaro mumwe mutori wenhau.
Mumwe mudzimai akati mhomho idzi dzinoda mhete nezvuma zvendarama dzinokosha dzinopfekwa muhuro nepanzeve.
“Ndakatorerwa chipfeko chemuhuro nevakomana vana. Ndichiri kukahadzika, ndakaudza vamwe zvaive zvaitika, vazhinji vavo vaive nenyaya imwechete,”akadaro Tsitsi Muzenda. Ny’any’a idzi dzapindira zvekare vana vechikoro.
“Vanonyanyoda chikafu. Hatichadyi mumigwagwa sezvo vanobvuta chikafu chedu votiza. Hapana chatinokwanisa kuita sezvo vachitityisidzira kuti vanotirova,” akadaro mudzidzi wepane chimwe chikoro chakazvimiririra mudhorobha.
Zvuma nemhete idzi zvinotengeswa pamusika wemabhizimisi madiki kuAvondale.
“Vatengesi ava vanotenga zvuma nemhete kubva kuvana vanogara mumigwagwa.
Vamwe vavo vanotovatuma kuenda kunoba zvinhu izvi,” akadaro mumwe anoita zvekutengesa pamusika uyu, Ratidzai Muchenje.
Mumwe mutauriri wesangano rinoona nezvekudzidziswa kwevechidiki kuitira kushandura maitiro nepfungwa dzavo mukuita zvakanaka, David Chidende akati hurumende inofanira kuongorora matambudziko evechidiki vanogara mumigwagwa.
“Zviri kuitwa nevana ava zvakashata asi hurumende ine basa guru rekuona kuti vana ivava vachengetwa zvakanaka,” akadaro Chidende.
“Hurumende inofanira kugadzirisa bazi rinobatsira vanotambudzika rowanisa vana ivava pekugara.”
Post published in: News

