Kunyangwe ane makore gumi nemanomwe ekuberekwa, Dakari asangana nezvakaoma nekuva munyika yevaridzi asina mapepa anoratidza kuti ane mvumo yekuve munyika iri kuchamhembe kwenyika yake. Mumakore matatu kubva asvika munyika iyi, akasungwa kaviri nekubatwa senhapwa nemapurisa ekuSouth Africa.
Mushure mekurasikirwa nehama dzose dzepedyo nezvikonzero zvakasiyana siyana mumakore gumi apfuura, kuyambuka rwizi Limpopo zvisiri pamutemo ndiyo yakave mhinduro yoga kuna Dakari. Akazviita muna 2009 aine makore gumi nemana mushure mekuudzwa neshamwari dzake kuti kune mikana yakawanda yebudiriro kuSouth Africa. Paakasvika, akashanda papurazi riri kumaodzanyemba kweLimpopo, asi kushungurudzwa kwaaiitwa nasapurazi kwakamuita kuti aende kunogara mumigwagwa, munova maakabatwa nemapurisa sezvo aive asina mapepa ekuratidza kuti ane mvumo yekuve munyika iyi.
Akagara mutirongo nevamwe vanhu mazana matatu, vazhinji vavo vemuZimbabwe vaisanganisira vana, kunzvimbo yemasoja kuSoutpansberg, chinhambwe makiromita mashanu kubva kumuganhu wenyika. Nemakore gumi nemashanu, akachengetwa munzvimbo iyi kwemwedzi miviri nekuti paive pasina motokari dzekumudzosera nevamwewo vaive vabatwa kunyika kwavo.
Magariro ake airamba achishata uye aive panyasha dzevakuru vaaigara navo mutirongo, vamwe vavo vaive makororo ekupedzisira.
“Imba yataigara yaive yakavakwa nemarata uye taipihwa chikafu kamwechete pazuva, chingwa choga dzimwe nguva neusvusvu. Sezvo taive takasanganiswa nevakuru uye mbavha mutirongo umu, vaititorera usvusvu uhwu. Zvainge zvakaomera vana kuwana pekurara. Paive pasina chekuita munzvimbo iyi, pasina zvekutambisa, mabhora kana nzvimbo yekutambira.”
Chirwere chekuzarirwa chakaita kuti Dakarai asunungurwe achiendeswa kuchipatara. Akabuda mushure mekunge arapwa asi aive asina kwekuenda, kana shamwari dzingamubatsire. Akagara mumigwagwa kwemakore maviri asati asungwa zvekare, nemapurisa. Akavaudza kuti ane makore gumi nemanomwe ekuberekwa asi havana kuzvibvuma.
Adzokera mutirongo uye asina mari yekufadza vamwe vasungwa, Dakarai akarohwa nevasungwa vakuru, vachimanikidza kuisa musoro wake muchimbuzi. Chikumbiro chake chekuwana mishonga inomubatsira pakuzarirwa hachina akateerera, zvikakonzera hurwere hwake kuwedzera.
VaJeroen Van Hove, vanoshanda nesangano rinoona nezvekubatsirwa kwevana mukudzivirira kusungwa kwavo munyika dzavanenge vapotera, zvakaitika kuna Dakarai muenzaniso wezvinoitika kuvana kana vakuru vakuru vemapazi ehurumende vakasakoshesa nekuzadzisa kodzero dzevana.
Nekuda kwechinzvimbo chayo uye nehuwandu hwevanhu vanoenda kunyika iyi, vana vemuZimbabwe ndivo vanonyanyoshungurudzika nechiitiko ichi muSouth Africa.
Chakavambwa kusangano rinomiririra kodzero dzevanhu pasi rose reUN
mumwedzi wa Kurume gore rino, chichitsigirwa nebato rakavambwa
kurangarira mushakabvu Princess Diana, chirongwa ichi chiri kukumbira
hurumende dzose kuregedza kusunga vana nemhuri dzavo. Masangano makumi
matanhatu nemashanu pasi rose ari kutsigira chirongwa ichi. Masangano
aya anosanganisira Platform for International Cooperation on
Undocumented Migrants (PICUM), Fahamu Refugee Programme uye Save the
Children Australia. VaVan Hove vanoti iri idanho rakanaka.
”Vana havafaniri kugara mutirongo sezvo paine dzimwe nzira. Chirongwa
ichi chakavambwa nesangano rinoona nezvematirongo epasi rose asi
mubatanidzwa wemasangano mazhinji,” vakadaro vari kuJohannesburg nguva
pfupi yapfuura paiparurwa rugwaro rwekumhangara zvaive zvawanikwa
mutsvakurudzo nesangano rakavamba chirongwa ichi remagweta anomiririra
kodzero dzevanhu.
Kunyangwe nyika yeSouth Africa ine mitemo inobatsira nekuremekedza
kodzero dzevanhu nedzevapoteri, iri kumashure munhau dzekutevedza
mitemo iyi, vakuru vakuru vachiratidza nungo dzekutevedza mitemo
yenyika yavo.
“Taona zvakaipa zvizhinji munyika ino. Vana vanenge vasungwa
vanotsutsumwa kuti vanobatwa nekunze kweruoko nevakuru muhurumende,
vanopihwa chikafu chakashata kana kutochishaya zvachose. Vanogara
nevasungwa vakuru, vachibatwa senhapwa uye vachitadza kurara neinda
dzinenge dzizere mumagumbeze.”
Mushure mekusvika muSouth Africa musi wa17 Gunyana, Van Hove
akakumbira mvumo yehurumende kushanyira nzvimbo inogara vasungwa
vakamirira kudzoserwa kunyika dzavo yeLindela akabatsira kuparura
chirongwa chekudzidzisa vana makumi maviri kutora mifananidzo
yezvinenge zvichiitika achibatsirwa nesangano rinoongorora zvenhau
muAfrica..
“Vana vakashanda zvakanyanya mukuburitsa nyaya yavo vachishandisa
mifananidzo yepachivhitivhiti iyi “Taura panzvimbo yemwana ari
mutirongo”. Mazwi evana ava achasanganiswa neevamwe vana vekuGreece
neAustralia vakataura nechekare panhau yevana vari mutirongo.”
Sangano remagweta iri ndiro rega raratidza kukutsumwa nekusungwa uye
kubatwa zvakaipa kwevapoteri, kusanganisira avo vanenge vachipotera
nekutyira hupenyu hwavo, uye vari kuedza kupindira panyaya yevana
vatanhatu, vashanu vavo vemuZimbabwe vakabatwa nemapurisa epaMusina,
kuLimpopo kubva mumwedzi waKukadzi vanonzi vachiri pahusungwa.
Kunyangwe humbowo hwehuwandu husipo, zvinonzi pakati paGumiguru
naMbudzi gore rakapera, vana makumi masere nevatanhatu vari pakati
pemakore maviri nemanomwe vakabatwa nekudzoserwa kuZimbabwe,
inotambira vana vakawandisa vanodzoswa kubva kuSouth Africa.
Chirongwa ichi chinokurudzira hurumende yeSouth Africa kuregedza
kusunga vana, kwete nemutemo chete asi mumaitiro uye kuregedza
kudzosera vana ava kunyika dzavo.
Post published in: News