Vana vari mutirongo: vasungwa vechidiki vanotambudzika kuSA

“Dzimwe nguva ndinotsamwa kana kuchema ndikafunga zvakaitika kwandiri kumashure,” akadaro *Dakari, wechidiki wemuZimbabwe ave kugara kuSouth Africa.”Ndine nguva yandinorota ndiri mutirongo, ndichirohwa nemapurisa.”

Kunyangwe ane makore gumi nemanomwe ekuberekwa, Dakari asangana nezvakaoma nekuva munyika yevaridzi asina mapepa anoratidza kuti ane mvumo yekuve munyika iri kuchamhembe kwenyika yake. Mumakore matatu kubva asvika munyika iyi, akasungwa kaviri nekubatwa senhapwa nemapurisa ekuSouth Africa.

Mushure mekurasikirwa nehama dzose dzepedyo nezvikonzero zvakasiyana siyana mumakore gumi apfuura, kuyambuka rwizi Limpopo zvisiri pamutemo ndiyo yakave mhinduro yoga kuna Dakari. Akazviita muna 2009 aine makore gumi nemana mushure mekuudzwa neshamwari dzake kuti kune mikana yakawanda yebudiriro kuSouth Africa. Paakasvika, akashanda papurazi riri kumaodzanyemba kweLimpopo, asi kushungurudzwa kwaaiitwa nasapurazi kwakamuita kuti aende kunogara mumigwagwa, munova maakabatwa nemapurisa sezvo aive asina mapepa ekuratidza kuti ane mvumo yekuve munyika iyi.

Akagara mutirongo nevamwe vanhu mazana matatu, vazhinji vavo vemuZimbabwe vaisanganisira vana, kunzvimbo yemasoja kuSoutpansberg, chinhambwe makiromita mashanu kubva kumuganhu wenyika. Nemakore gumi nemashanu, akachengetwa munzvimbo iyi kwemwedzi miviri nekuti paive pasina motokari dzekumudzosera nevamwewo vaive vabatwa kunyika kwavo.

Magariro ake airamba achishata uye aive panyasha dzevakuru vaaigara navo mutirongo, vamwe vavo vaive makororo ekupedzisira.

“Imba yataigara yaive yakavakwa nemarata uye taipihwa chikafu kamwechete pazuva, chingwa choga dzimwe nguva neusvusvu. Sezvo taive takasanganiswa nevakuru uye mbavha mutirongo umu, vaititorera usvusvu uhwu. Zvainge zvakaomera vana kuwana pekurara. Paive pasina chekuita munzvimbo iyi, pasina zvekutambisa, mabhora kana nzvimbo yekutambira.”

Chirwere chekuzarirwa chakaita kuti Dakarai asunungurwe achiendeswa kuchipatara. Akabuda mushure mekunge arapwa asi aive asina kwekuenda, kana shamwari dzingamubatsire. Akagara mumigwagwa kwemakore maviri asati asungwa zvekare, nemapurisa. Akavaudza kuti ane makore gumi nemanomwe ekuberekwa asi havana kuzvibvuma.

Adzokera mutirongo uye asina mari yekufadza vamwe vasungwa, Dakarai akarohwa nevasungwa vakuru, vachimanikidza kuisa musoro wake muchimbuzi. Chikumbiro chake chekuwana mishonga inomubatsira pakuzarirwa hachina akateerera, zvikakonzera hurwere hwake kuwedzera.

VaJeroen Van Hove, vanoshanda nesangano rinoona nezvekubatsirwa kwevana mukudzivirira kusungwa kwavo munyika dzavanenge vapotera, zvakaitika kuna Dakarai muenzaniso wezvinoitika kuvana kana vakuru vakuru vemapazi ehurumende vakasakoshesa nekuzadzisa kodzero dzevana.

Nekuda kwechinzvimbo chayo uye nehuwandu hwevanhu vanoenda kunyika iyi, vana vemuZimbabwe ndivo vanonyanyoshungurudzika nechiitiko ichi muSouth Africa.

Chakavambwa kusangano rinomiririra kodzero dzevanhu pasi rose reUN

mumwedzi wa Kurume gore rino, chichitsigirwa nebato rakavambwa

kurangarira mushakabvu Princess Diana, chirongwa ichi chiri kukumbira

hurumende dzose kuregedza kusunga vana nemhuri dzavo. Masangano makumi

matanhatu nemashanu pasi rose ari kutsigira chirongwa ichi. Masangano

aya anosanganisira Platform for International Cooperation on

Undocumented Migrants (PICUM), Fahamu Refugee Programme uye Save the

Children Australia. VaVan Hove vanoti iri idanho rakanaka.

”Vana havafaniri kugara mutirongo sezvo paine dzimwe nzira. Chirongwa

ichi chakavambwa nesangano rinoona nezvematirongo epasi rose asi

mubatanidzwa wemasangano mazhinji,” vakadaro vari kuJohannesburg nguva

pfupi yapfuura paiparurwa rugwaro rwekumhangara zvaive zvawanikwa

mutsvakurudzo nesangano rakavamba chirongwa ichi remagweta anomiririra

kodzero dzevanhu.

Kunyangwe nyika yeSouth Africa ine mitemo inobatsira nekuremekedza

kodzero dzevanhu nedzevapoteri, iri kumashure munhau dzekutevedza

mitemo iyi, vakuru vakuru vachiratidza nungo dzekutevedza mitemo

yenyika yavo.

“Taona zvakaipa zvizhinji munyika ino. Vana vanenge vasungwa

vanotsutsumwa kuti vanobatwa nekunze kweruoko nevakuru muhurumende,

vanopihwa chikafu chakashata kana kutochishaya zvachose. Vanogara

nevasungwa vakuru, vachibatwa senhapwa uye vachitadza kurara neinda

dzinenge dzizere mumagumbeze.”

Mushure mekusvika muSouth Africa musi wa17 Gunyana, Van Hove

akakumbira mvumo yehurumende kushanyira nzvimbo inogara vasungwa

vakamirira kudzoserwa kunyika dzavo yeLindela akabatsira kuparura

chirongwa chekudzidzisa vana makumi maviri kutora mifananidzo

yezvinenge zvichiitika achibatsirwa nesangano rinoongorora zvenhau

muAfrica..

“Vana vakashanda zvakanyanya mukuburitsa nyaya yavo vachishandisa

mifananidzo yepachivhitivhiti iyi “Taura panzvimbo yemwana ari

mutirongo”. Mazwi evana ava achasanganiswa neevamwe vana vekuGreece

neAustralia vakataura nechekare panhau yevana vari mutirongo.”

Sangano remagweta iri ndiro rega raratidza kukutsumwa nekusungwa uye

kubatwa zvakaipa kwevapoteri, kusanganisira avo vanenge vachipotera

nekutyira hupenyu hwavo, uye vari kuedza kupindira panyaya yevana

vatanhatu, vashanu vavo vemuZimbabwe vakabatwa nemapurisa epaMusina,

kuLimpopo kubva mumwedzi waKukadzi vanonzi vachiri pahusungwa.

Kunyangwe humbowo hwehuwandu husipo, zvinonzi pakati paGumiguru

naMbudzi gore rakapera, vana makumi masere nevatanhatu vari pakati

pemakore maviri nemanomwe vakabatwa nekudzoserwa kuZimbabwe,

inotambira vana vakawandisa vanodzoswa kubva kuSouth Africa.

Chirongwa ichi chinokurudzira hurumende yeSouth Africa kuregedza

kusunga vana, kwete nemutemo chete asi mumaitiro uye kuregedza

kudzosera vana ava kunyika dzavo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *