Vechidiki veZanu (PF) voramwa chibage

Kwakava nebata bata svondo rapfuura apo vatsigiri vechidiki veZanu (PF) vakaramwa chibage chavaive vapihwa navaJoseph Chinotimba kuMutiusinazita kuBuhera.

VaChinotimba mutsigiri weZanu (PF) mukuru, vanonzi vane tarisiro yekukwikwidza mune zvematongerwo enyika uye vari kushandisa chibage ichi kutsvaga rutsigiro musarudzo dzichatevera muna 2013.

Vechidiki ava vanonzi vakatsamwiswa nehuori hwevatungamiriri vebato ravo mudunhu iri, vakapihwa basa rekugovera zvekudya izvi.

“VaChinotimba vakatitaurira kuti vakatipa matani gumi echibage asi zvatiri kuona pano zvishoma shoma,” akadaro murume akazviti anonzi Brian Chapanduka.

Nekutsamwa, vechidiki ava vakatyisidzira kuti vachasiya bato reZanu (PF)vachinotsigira bato reMDC.

“Takavaudza kuti tichavhotera vaTsvangirai musarudzo dzinotevera kana vakaramba vachiita zvehuori,” akadaro Chapanduka.

VaChinotimba vakati havana ruzivo nezvenyaya iyi asi vakabvuma kuti vaive vatsvaga matani gumi erubatsiro rwechibage, dzavaiti dzaifanira kubatsira vanhu vanogara mumatunhu matatu munharaunda iyi.

“Takatsvaga matani gumi echibage chekubatsira vanhu mumatunhu matatu munharaunda iyi zvichireva kuti mhuri imwechete inofanira kuwana bhagidhi,”vakadaro vachidzima mbozhanhare yavo.

Hazvina kuzivikanwa kuti vaChinotimba vakawana chibage ichi kupi.

Pakamhan’arwa, kusanganisira mupepanhau reZimbabwean, kuti vatsigiri vakuru vakuru veZanu (PF) vanoshandisa zvinzvimbo zvavo kutenga chibage mumatura ehurumende nemutengo wepasi pasi vachizogovera vagari vekumaruwa senzira yekutsvetsva rutsigiro rwavo.

Zvisinei, mumwe mukuru muvatungamiriri vemudunhu iri anoti vaive vapihwa basa rekugovera chibage ichi vaive vachengetera madara chikafu ichi kuitira kuti vaChinotimba vagoonekwa sevanonyepa.

“Vadaro senzira yekuti vasvibe mumaziso evanhu sezvo vari kunzi vari kudzivisa vamwe vari kuda kukwikwidzana navo musarudzo dzekutsvaga vatungamiriri vematunhu mubato ravo reZanu (PF),” vakadaro.

VaChinotimba vakawana mbiri muna 2000 apo vaifamba vachibvuta mapurazi.

Vakawana pfuma zhinji munguva pfupi, zvisina tsarukano uye nanhasi kwakabva pfuma yavo hakuzivikanwe.

Kunze kwekutora minda nechisimba, vaChinotimba vanonzi vakatungamirira mukubvutwa kwemakambani, vachinzi vaipihwa chiokomuhomwe nevaridzi vemakambani aipihwa mhosva yekubhadhara vashandi vavo mari shoma kana kudzvinyirira vashandi ava.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *