VemuZimbabwe vomomotera zvipatara zveMoza

Vagari venzvimbo dzakakomberedza kumuganhu weMozambique votsvaga rubatsiro mune zvehutano muzvipatara zviri kudunhu reChimoio, sezvo zvemunzvimbo dzavo zvichidaidzira mari yakawandisa, avasingakwanisi.

Mitsetse pachipatara cheChimoio kuMozambique
Mitsetse pachipatara cheChimoio kuMozambique

Vagari vanoti hapana chekuita kunze kwekunotsvaga rubatsiro kuChimoio sezvo zvehutano munyika zvakashata uye mishonga ichidhura samare.

Varwere vazhinji vari kuenda kuChimoio ndevemazino vasingakwanisi kunowana rubatsiro kwaana chiremba vakazvimiririra maMutare. Zvipatara zvizhinji zvehurumende hazvina midziyo inoshandiswa pavarwere vemazino, zvoita kuti vazhinji vavo vanzi vatsvage rubatsiro kuzvipatara zvakazvimiririra. Vana chiremba vemazino vakazvimiririra vanoda muripo wemadhora makumi matatu kusvika makumi mana nemashanu kutanga kuona murwere. Zvinokosha madhora asingadariki maviri kubva pamuganhu weMachipanda kusvika kuchipatara cheChimoio.

Tendai Madzeka ane makore makumi maviri nemashanu ekuberekwa anoti atove nenguva achienda kuChimoio.

Handishandi uye zvinodhura kuripa mari iyi kumba. Zviri nani ndikauya kuno ini nemhuri yangu kuzorapwa,” akadaro.

Chris Hama ane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa akabvumirana nazvo akati mabatirwo evarwere pachipatara ichi anokunda zvinoitwa kudunhu kwake.

“Haugari nguva refu mumutsetse. Kunyangwe ukasvikapo nguvai, unobatsirwa naana mazvikokota, zvinosiyana nekwedu kwatinongobvisa mari yakawandisa,” akadaro Hama.

Mazvikokota mune zveutano pachipatara chepaChimoio, chiremba Pedro Ali vakabvumirana nazvo kuti varwere vazhinji vari pachipatara apa ndevemu Zimbabwe.

“Varwere vekuZimbabwe vari kutsvaga rubatsiro pachipatara chino zuva nezuva vakawandisa. Zvisinei, tiri kukwanisa kuvabatsira sezvo tiri kuwana rutsigiro rwehurumende uye rwemasangano akazvimiririra. Zvekare tine vashandi vakawanda, vanokwanisa kubatsira varwere vose,” vakadaro VaAli

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *