Chenjererai vezve matongerwo enyika

Vavhoti munzvimbo ino vayambirwa kuti ngavarege kuvimba nevanoita zvematongerwo enyika avo vanonzi vari mushishi yekugovera zvinhu muvanhu pamberi pesarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Mumiririri wekumabvazuva kweBikita muparamende vaEdmore Marima vakapa yambiro iyi pamusangano wekutsvaga rutsigiro wakaitwa panzvimbo yemabhizimusi yeMushambanevhu svondo rapfuura. “Hatidi vezvematongerwo enyika vane hunhu hunenge hwemwaka yegore.

Vanopedza nguva zhinji vagere mumutepfetepfe wedzimba dzavo muguta reHarare, vochingozouya chete kana sarudzo dzadongorera,” vakadaro vaMarima. Pane makwikwi akaoma muvavariro yekukunda musarudzo dzekutsvaga vamiririri vachakwikwidza musarudzo dzekutsvaga vamiririri muparamende, seneti nekanzuru mumatunhu ose kumapato ose eZanu (PF) neMDC.

Kutengwa kwemavhoti kwakanyanya pane avo vari kurwira zvigaro mumapato. Bato reZanu (PF) ndiro rine vari kunyanyo kwikwidzana netarisiro yekukunda musarudzo dzekutsvaga vamiririri mubato.

“Tiri kuona zvakawanda kubva kune vezvematongerwo enyika vemunharaunda dzedu. Munguva yapfuura vamwe ndivo vaipa zvekushandisa kugadzirisa migwagwa kwasara mwedzi miviri kuti sarudzo dziitwe vamwewo vachipa michina yechizvino zvino kuzvikoro zvisina magetsi. Yasvika nguva yekuti vavhoti vasvinure vabvunzurudze maitiro evezvematongerwo enyika akadai,” vakadaro vaMarima.

Kubva kuZanu (PF) vazhinji vakaisa maziso avo pazvigaro zvematunhu, kunyanya aimbopa mazano kumukuru mukuru webhangi guru munyika vaMunyaradzi Kereke, avo vakavamba chipatara chisingagari panzvimbo imwechete, vakapa zvekare rubatsiro rwechibage kuvagari venzvimbo iyi.

Kusvika pazuva ranhasi hapana chakati tsvikiti chati chaonekwa nezvechipatara ichi, zvaita kuti vaMarima vashoropodze vezvematongerwo enyika vanovimbisa zvavasingaiti senzira yekutsvaga rutsigiro munguva yesarudzo. – Byron Mutingwende

“Nzara yarura munzvimbo ino. Rubatsiro harufaniri kuuya ruchienda.

Zvakashata kuti vezvematongerwo enyika vanonyepera kuva nezvido zvevanhu kana mazuva esarudzo adomwa,” vakawedzera vaMarima

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *