Vachitaura nemutapi wenhau webepanhau rino, panguva iyo nyika yakatarisana nezuva rekupemberera vanorarama nechirwere ichi, mutungamiriri wesangano iri vaNgoni Chigwana vati huwandu hwendufu dzine chekuita nechirwere chetsvigiri huri kukonzerwa nekunyanyodya zvikafu zvakapepetwa zvichinatsurudzwa nemichina.
Zuva rekucherechedza vanhu vanorarama nehutachiona hwetsvigiri uhwu gore rino ndehwechina kubva mumakore mashanu akasendekwa netarisiro yekudzivirira nekudzidzisa pamusoro pechirwere ichi, uye tarisiro ndeyekuti mhemberero idzi dzichaitwa musi wa20 Mbudzi 2o12. “Muongororo yakapedzesera kuitwa munyika mugore ra2005, pakaonekwa kuti chikamu gumi kubva muzana chevanhu vari munyika chinorwara nehutachiona uhwu.
Nemhaka yemararamiro ari kuita vazhinji, huwandu hwevanhu ava hwawedzera zvakapetwa katatu uye vazhinji vari kufa,” vakadaro vaChigwana. Vakati huwandu hwevarwere vetsvigiri hunotarisirwa kuwedzera sezvo zvikamu makumi mashanu kusvika kumasere kubva muzana zveavo vanorwara nechirwere ichi vasingazvizivi.
Zvichakadaizvi, gurukota rinoona nezvehutano munyika vaHenry Madzorera vavimbisa kuti bazi ravo richawedzera rudzidziso kune veruzhinji pamusoro pematambudziko anokonzerwa nechirwere ichi.
“Mumwechete pane vanhu vana muZimbabwe ane chirwere chetsvigiri uye mumwechete pavanhu gumi voga voga ane chirwere chine chekuita nechrere chetsvigiri ichi. Bazi rezveutano riri kutora matanho ekudzidzisa ruzhinji maererano nezvirwere zvakadai kuitira kubatsira veruzhinji kuti vange vaine hutano hwakanaka. Tiri kunyanyoshanda takatarisa vanoshaya munyika yose, nyanye avo vanobva kumaruwa vachiuya mumadhorobha,” vakadaro VaMadzorera.
Vakawedzera vachiti panodiwa zvekushandisa zvakakwana kuti hurongwa hwedzidziso uhwu hubudirire. Mumwe mukoti, Augustine Mugidha, akati vekumaruwa vasina kwavanowana rubatsiro rwehutano vari murima nezvehonzeri dzehurwere hunozokomba pamberi. “Panodiwa dzidziso kuitira kuti munhu wese ane chirwere cheshuga kana akatarisana nedambudziko rekuzove nayo awaniswe ruzivo rwepamusoro, dziviriro nekuriritirwa. Kuwana ruyamuro kunonyanyonetsa vari kunze kana vanokundikana kuziva nezverubatsiro rwuripo.”
Imwe nyanzvi yepachipatara cheParirenyatwa, Dr Elopy Sibanda, vakati zvekushandisa munyaya dzehutano zvizhinji zviri kushandiswa kune avo vane HIV, zvisinei nekuti humbowo huripo hunoratidza kuti vanhu vane zvirwere zvakaita setsvigiri ndivo vakatowanda.
Vakati zviri kuitwa zvishoma kudzidzisa venyika ino maererano nehuipi hwezvirwere zveropa, mwoyo kana itsvo, kana huipi hwezvirwere zvinokonzerwa netsvigiri.
“Mai vangu, avo vane makore makumi manomwe nemaviri, vakadimburwa gumbo nekuda kwekukuvara kwaro zvichikonzerwa nechirwere chetsvigiri. Gumbo iri rainge roora nekuda kweizvi. Vamwe vangarambe kubvumirana neni asi ndine chivimbo chekuti kudya kunobikwa nekutengeswa mumakefa kuri kukuvadza utano hwevanhu,” akadaro mumwe mudzimai anonzi Martha.
Zuva rekucherechedza hurwere hwetsvigiri hwegore rino huchange hwakanangana nedanho rekudzivirira utano hwemarudzi achauya. Zuva iri richanyanyorerekera mukukurudzira kukosha kwedzidziso yevanoona nezvehutano, vanorarama nechirwere ichi neavo vangangochibatira senzira yekudzikisa huwandu hwevanhu vane chirwere ichi pasi rose.
Cherechedzo iyi iripo pakudzidzisa, kuunganidza nekupa masimba kune vechidiki nevamwewo vanhu pamusoro pechirwere ichi. Ichange yakanyanyorerekera kune vana uye nevechidiki sezvo variivo vane simba mukuvandudzwa nekuparadzirwa kwedzidziso iyi.
Panofanira kupiwa ruzivo rwakanyanya kuvana nevechidiki maererano nezvinokonzera, zvinoratidza kuti munhu ane chirwere ichi sezvo nguva zhinji zvichigona kudzivirirwa nekudya zvakanaka nekushanda kwemiviri kuitira kuramba munhu akagwinya.
Post published in: News

